Tsumo 600 dzemu Zimbabwe



Tsumo idzi hamudzipedze


1. Abereka otochena moyo

2. Afamba apota

3. Afirwa haaringwi kumeso

4. Aguta haaoneki

5. Aita chake ndihombarume

6. Aiva madziva ave mazambuko

7. Akabata sando anongoona chese-chese sechipikiri

8. Akanga nyimo awangarara

9. Akoromoka awa

10. Akuti rima ati ugute

11. Akumhina afamba hazvienzani naTigere

12. Akuruma nzeve ndewako

13. Akwewa sanzu akwewa namashizha aro

14. Ane bedzi ndeane rake kudzana anopururudza

15. Ane ganda ane nyama hazvienzane nowakabata hohwa

16. Ane marengenya haacharike moto

17. Ane mhuri kwayo ndeane ndume ane mhurikadzi vaeni

18. Ane mombe yake anoziva makumire ayo

19. Anokutukira badza unokupa upfumi

20. Apunyaira haashayi misodzi

21. Ashamba haanokorerwi

22. Atandavara aguta, apfunya ndiye avata nayo

23. Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro

24. Atswinya arwa

25. Avengwa anhuhwa

26. Baba muredzi mwana kuchema anodaidza mai

27. Badza guru ipa murimi, kuripa simbe inovata naro

28. Basa mangwanani

29. Benzi bvunza rakanaka

30. Benzi raramba mbanda harirapiki

31. Benzi rikasaimba manjemanje richamhanya bani

32. Bere zvarakatya mapapata aro mangani

33. Bhuru rasarira shure rasarira shamhu

34. Chada mwoyo hachikoni, mwoyo chiremba

35. Chafamba chasvava

36. Chafamba kamwe hachiteivi

37. Chaikanya chototsa, chaitotsa chokanyawo

38. Chaitemura chava kuseva

39. Chakabaya chikachokera

40. Chakadya chakaoneka, mutanda wakasiya mbare

41. Chakaenzanwa ibvudzi upfumi hahuna kuenzanwa

42. Chakafukidza dzimba matenga

43. Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi (munyu)

44. Chakatairi pasi ndechevanhu vose asi chiri mumuti ndechowagona kukwira

45. Chakatanga ndochakachenjedza

46. Chako ndechako kuseva unosiya muto

47. Chapadare chakakandwa parurimi rwavapfuuri, chomumba chiri mumhepo

48. Chapinda munzeve chavaridza bonde

49. Chara chimwe hachitswanyi inda

50. Charova sei chando chakwidza hamba mumuti

51. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba

52. Chati homu chareva

53. Chauya masikati charamba ndima chauya usiku charamba hope

54. Chava chigondora chava chimombe kutadza kutunga hurema hwacho

55. Chavavana batisisa mudzimu haupi kaviri

56. Chavavana pfumbata vashakabvu havakandi ruviri

57. Chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa

58. Chawira pasi mudzimu wembwa

59. Chekuba hachigari

60. Chembere masikati usiku imvana

61. Chembere mukadzi hazvienzani nekurara mugota

62. Chembere ndeyembwa yomunhu inofa ichigurukuta

63. Chembere ndeyembwa yomurume ndibaba wavanhu

64. Chimene chezizi parafamba hanzi muroyi

65. Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi

66. Chibage chinovandira kune vasina meno

67. Chibwe chiremera chavari kure vari pedyo vanotamba nacho

68. Chidamoyo hamba yakada makwati

69. Chidembo hachinzwi kunhuhwa kwacho

70. Chidhiidhii kutsvara hundi moyo uri kumakoto

71. Chidokodoko chirere muviri chikuru chinozouya wakora

72. Chidyamatoo akadzipwa neganda remhuru

73. Chidziva chakadzikama ndicho chinogara ngwena

74. Chigare chenda kudya akaitakura

75. Chigarisano ndicho chine mhosva

76. Chigere ibwe muti unowa

77. Chikakarara nganda reshumba/nzou

78. Chikomba chinovirima kwacho

79. Chikomo shata divi rimwe ritambire pwere

80. Chikuni chinoda mukuchidziri

81. Chimwe nachimwe chine nguva yacho

82. China manenji hachifambisi chinomirira kuti mavara acho aonekwe

83. Chinobhururuka chinomhara

84. Chinogova ruoko muromo haugovi

85. Chinokanganwa idemo asi chitsiga hachikanganwe

86. Chinokokwa upfumi urombo hunozvikoka

87. Chinokura chinokotama musoro wegudo chave chinokoro

88. Chinokura choga isango munda kukura huona tewe

89. Chinokura usipo imombe munda unokura nokuvandurirwa

90. Chinono chine’ngwe bere rakadya richifamba

91. Chinonzi regedza ndechiri mumaoko chiri mumoyo unofa nacho

92. Chinorwadza chinogutsa auya nacho

93. Chinotanga mberi mashura

94. Chinotaura ndechiri mumusungo, chiri muriva chinoti denga rava

95. Chinotanga kukambaira, kufamba kunouya kwega

96. Chinozipa chinoregwa

97. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara

98. Chinya chegurwe kudashura gumbo neshungu

99. Chipitipiti chakazvara chimwandamwanda

100. Chirega kutya kununa iwe wakasasikwa

101. Chirema ndechina mazano chinotamba chakazendama kumadziro

102. Chirere mangwana chigozokurerawo

103. Chiri mumoyo chiri muninga unofa nacho

104. Chiri mumusakasaka chinozvinzwira

105. Chiri pamuchena chiri pamutenure

106. Chiri pamumwe chiri padanda

107. Chiripo chariuraya zizi harifi nemhepo

108. Chiripo chiripo ndarira imwe hairiri

109. Chirungurira chirwere ukanyara unofa nacho

110. Chirungurira ndechowadya maradzwa chowerinopisa isvoto

111. Chisi chako hachibatsiri unodya wakaringa kumusuwo

112. Chisi chako masimba mashoma

113. Chisi chako pembera wadya

114. Chisi chako rembedza maoko, rega kukungira hata

115. Chisi hachieri musi vacharimwa

116. Chisingaperi chinoshura

117. Chitaurirwa mbare dzekumusana

118. Chitende chinorema ndechine mhodzi

119. Chitsva chiri murutsoka

120. Chitsva chitsva munamba wejenachena

121. Chivendekete anoseka chimedure

122. Chomukuru anopa omene

123. Chomukuru hachikumbirwi

124. Chura kugara mumvura handi kunwa

125. Dai ndakaziva haitungamire

126. Dare harizondi munhu rinozonda mhosva

127. Dindingwe rinonaka richakweva rimwe kana iro rokwehwa roti mavara angu azare’vhu

128. Dzakatamba nepwete dzikareswa kudzorerwa

129. Dzavira mutswanda hadzichanetsi kunhonga

130. Dzvinyu kuzamba zuva huona bako

131. Fodya haina manenji semhamba

132. Fodya haina shura sedoro

133. Fungira mumoyo rwedo rembwa

134. Gapakapa ndere fodya remhudzi rinokura nokusakurirwa

135. Gangaidzwa mukwenyi mhezi yawavira mumoyo

136. Gangaidzwa vavigi kunhuhwa kwaakafa

137. Gombarume kudze soro kukudza dumbu wonge wave chana

138. Gona ana gona vakewo

139. Gona rehupfumi iziya

140. Gondo kuengerera raona zumbu

141. Gonzo mhini gara mumwena chakaipa chikuwaniremo

142. Gore jena chiregopenya ungazotorerwa ushe nedema

143. Gore haribvi pakabva rimwe

144. Gore musandu

145. Gudo guru peta muswe, vapwere vagokuremekedza

146. Gudo kuipa kuipa zvaro asi haridyi chakafa choga

147. Gunguo rakaramba kumirira museve rikapona nehwakumukwaku

148. Gunguo rinodya mbamba, rino muchero waro

149. Hakuna bura rinoswatanukira panze rabva muvhu rakakombama

150. Hakuna dziva risina chura

151. Hakuna mombe inokorera pamarekete

152. Hanya nani chidoma chekwaChivi

153. Hapana angagone chisingagoneke naGona

154. Hapana chembwa tenzi vararira mutakura

155. Hapana mhou inokumira mhuru isiri yayo

156. Hapana mukuyu unovinga shiri

157. Hari haiviri isina mukuchidziri

158. Hauzivi tsanga inokodza tsambakodzi

159. Heya baravara ndiwo magariro kutuka mwene wechisvo ndiwo mano

160. Hope hadzina ndima

161. Hove dzinokwira dzine muronga

162. Hove huru dzinodyira kwodoka

163. Hukwana inodya ndeiri pana mai

164. Hurudza inofa ichinzi inodya

165. Hwahwa hahuna mbuva

166. Hwuromboi hwagara nherera kudya ikarutsa

167. Ibangano muchateya kuzondoona kwava kwomumwe chete

168. Idambudziko rehope kurota kwawakarambwa

169. Igangaidza mukwenyi mhezi kuvavira mumoyo

170. Igaroziva kuti mhanza yembudzi iri mumabvi

171. Ikamwe pagore hembe yenherera

172. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzematowo

173. Imbwa payadyira haipakanganwi

174. Imbwa yakwavarara yatya

175. Imhashu yomurwere inogochwa yakabatwa gumbo

176. Imire haifuriri dzivete

177. Inotanda yomunyepi younyerere haitandi

178. Ishe ndishe, muranda muranda

179. Ishungu dzomutana waswera padare kuramba nemhandire seane meno

180. Isimba kaviri kurwa nemukadzi weasipo

181. Jongosi kunyimwa mashanga iro ndiro rakarima gombo

182. Kakara kununa hudya kamwe

183. Kamoto kamberewere kanopisa matanda mberi

184. Kamupungurunje kahove kanyama kasina muto

185. Kana rokwata roda kunoibva

186. Kana shumba ikashaya nyama inodya uswa

187. Kana wadya imbwa idya iri hono

188. Kandiro enda kandiro dzoka

189. Kandiro kanoenda kunobva kamwe

190. Kangoma kana koririsa kawa pedyo nekuda kubvaruka

191. Kuba ngoma kuri nyore, pokuiridzira ndipo panonetsa kuvana

192. Kubaya tange hama vatorwa vakutye

193. Kubikira mweni kumudzinga

194. Kubvongodza muto kuseva kweaguta

195. Kuchengeta imbwa yomweni kuda mwene wayo

196. Kuchenjedza nyamukuta kuzvara uchada

197. Kuda chemungozva kubata mwana

198. Kudada kwavari mugomo kukumbira vari pasi mapfiwa

199. Kudya chevapfupi nekureba

200. Kudyirwa munda nembwa sendakarima nyama

201. Kuera dziva igumbo ribodzi, makumbo ese unoerera

202. Kufa izuva rimwe, kuora igore

203. Kufa kweane hari anosiya mazonde

204. Kufa kwemurume kubuda ura

205. Kufira mafufu segonzo

206. Kugara nhaka kuona dzevamwe

207. Kugarika tange nhamo

208. Kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto

209. Kugona mbavha kuironzera

210. Kukokwa kwasamusha kukokwa kwavagere naye

211. Kukonwa kwedare kukonwa kwamambo

212. Kukurukura hunge vapotsva

213. Kunaka kwemurume imombe dzake

214. Kunaka kwemurume kuri muhomwe

215. Kungotya nyanga dzezizi nyamba manhenga

216. Kunokanganwa mudyi wenyemba muoreri wamateko haakanganwi

217. Kunzi pakata handi kunzi ridza

218. Kupa kuturika

219. Kupedza nyota kuenda padziva

220. Kupfuma kwemuchana mudzimu wake

221. Kupotsera dope, rimwe rinosara mumaoko

222. Kuramba dzvuku kuona jena

223. Kuramba nyama yechidembo hunge une yetsuro

224. Kurava mbudzi nedzisipo kurava nedzava matowo

225. Kuravidza chembere muto wegwaya mangwana inofira mudziva

226. Kurayira kunoda pwere mukuru ndimambo

227. Kure kwegava ndokusina mutsubvu

228. Kure ndokuna amai kune mukadzi unofa wasvika

229. Kurembera kwedamba handiko kuwa

230. Kurera imbwa nomukaka mangwana inofuma yokuruma

231. Kurera imbwa rera inoruma igokudzivirira mupfumvu

232. Kureva ndokunei, kutarisa kurevawo

233. Kuriona guyu kutsvukira, mukati rizere masvosve

234. Kurova imbwa wakaviga mupini

235. Kurova tsuro negwenzi rayo

236. Kurumwa nechekuchera

237. Kurumwa netsikidzi rambira mumba, kubuda panze unorumwa mhuno nebere

238. Kusaziva kufa

239. Kuseka nhamo kunga rugare

240. Kusekana kwaanakamba

241. Kushaya hakunenerwi munhu denga ratarama

242. Kusimbirira kurapa mhopo kumusana iwe une ziso rine mbonje

243. Kutatarika humira

244. Kutaura kudzikisira kuita makata

245. Kutenda kwakitsi kuri mumwoyo

246. Kuvhunduka chati kwata hunge une katurike

247. Kuwanda kwakanaka, kwakaipira mukupedza muto

248. Kuwanda kwemaoko kunotsonza ndima

249. Kuyewedza semhiripiri mukati izere uturu

250. Kuziva mbuya huudzwa

251. Kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira

252. Kwamairidigikira ndiko kwomoringa benya, kwamairinga benya ndiko kwomoridigikira

253. Kwave kusakara kwedowo serisakadyiwa nyama

254. Machongwe maviri haakukuridze pamutanda mumwe

255. Made echakata kutsvukira mumuti kuti ndiposherwe

256. Made etsvimborume okudya yakawaridza

257. Mai musuva usingasevi muto

258. Makata anoshura materu

259. Makunguo zvaakatya akafa mangani

260. Makunun’unu maodza nyemba

261. Manakira kure mvura yemubvumbi

262. Manatsa mukanwa ndonda kurota ichiyamwa

263. Manenji kuona kamba ichitamba nembudzi

264. Mangachena inoparira parere nhema

265. Manomano emuroyi kunyepera kutya dzvinyu akasungirira nyoka muchiuno

266. Manyengedza pfungwa efodya kuzadza dama nehutsi husingasviki kuguru

267. Manzwi induru inouraya

268. Mapudzi anovira kusina hari

269. Mari ine chitema

270. Matakadya kare haanyaradzi mwana

271. Matanda makuru mazunguniswa

272. Matende mashava anovazva doro

273. Matukirwo ababa kunema mwana

274. Matsotsi haagerani

275. Mazvake-mazvake kudya kwembada

276. Mazvokuda kufa namaronda enyora

277. Mbavha imbatwa, mbavha-rutsoka ishamwari

278. Mboko chena yakaparira parere mhema

279. Mbiri matende inoputsika

280. Mbudzi kudya mufenje kufananyina

281. Mbudzi yazvarira pavanhu yati nditandirwe’mbwa

282. Mharadzano dzakabva munzira

283. Mhembwe rudzi kuzvara mwana ane kazhumu

284. Mhondoro kurura inotanga wayo

285. Mhosva haiori

286. Mhosva inorondwa hakuna mhosva yakaita honye

287. Mhuno hainwi mvura muromo usina kunwa

288. Minwe misiyanwa

289. Miromo yavakuru haiviri pasi

290. Miti inomera pamwepo hairegi kukwizana kana kune mhepo

291. Mombe yekukumbira ndeyekukama wakaringe nzira

292. Mombe yenjeni kutokama wakasungira

293. Moyo chena unobayisa

294. Moyo muti unomera paunoda

295. Mucheri wegurwe mutevedzeri, mudimbidziri anorasa mwena

296. Muchero wegudo unodyirwa kupedza

297. Mudzimu vakupa ronda vati nhunzi dzikudye

298. Mudzimu waro bonga kuwana huku dzichirwa

299. Muenzi haapedzi dura

300. Mugoni wepwere ndeasinayo

301. Mugoti unopiwa anyerere

302. Mukadzi oda kuramba murume anoshereketa

303. Mukuru mukuru hanga haigari pfunde

304. Mukwasha mukuyu haapere kudyiwa

305. Munhu akanaka haararame

306. Munhu haarerwi nebonde

307. Munhu kufamba kunenge kukavira nyimo, kutizira kuchinge kudyara nzungu, kucheuka kukange kutsindire’shwa

308. Munhu akatsiga anozviganhura pakunwa hwahwa

309. Munongedzo hauzvinongedzi

310. Munyai mutumwa, muridzi wesoko ndiwe

311. Muonerapamwe chuma yemuzukuru

312. Muramba kukombwa muramba hweni

313. Muramu inzungu yakateya gonzo

314. Murimi anodya amire

315. Murombo haarovi chine nguo

316. Murombo munhu

317. Muromo chipfukuto unopedza matura

318. Muromo haupi chinopa maoko

319. Muromo hauzarirwi nerwizi

320. Muromo kapako kekuhwanda nako

321. Muromo vavakuru hauviri pasi

322. Muroyi hana mugoni

323. Muroyi munhu kubayiwa anochemawo

324. Muroyi ndishe

325. Muroyi royera kure ugowana anokuviga

326. Murume akanaka asiri wako

327. Mushambadzi haagari pasi

328. Musanyengerera makudo neanokamhina

329. Musha mukadzi

330. Mushonga haubati pasina ronda

331. Musikana chihambakwe asvika anokanda chibwe

332. Musikana isango rehuni rinotsvagwa naani nani

333. Musikana ishavhi, anoteverwa neshiri

334. Muswe wekutumira haurebi

335. Muto wetsenza ndiwo mumwe

336. Mutoro unorema wasvika

337. Mutsa worutsoka kuperekedza ziso

338. Mutumwa haana mbonje

339. Muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo

340. Muzvimbirwi ndiye nyakurwa nesasa

341. Mviromviro yemhanza inotanga shosha

342. Mviromviro yemhanza mapfeka

343. Mvura bvongodzeke ndiyo garani

344. Mvura haitori warema

345. Mvura inoera usinayo

346. Mvura inonaya yatanga hore

347. Mvura inoshinyira ndeiri pazambuko

348. Mvura yembambara tiza ichabva kure

349. Mwana asingachemi anofira mumbereko

350. Mwana mudiki in’anga

351. Mwana muduku kubvuma rwendo rwake ruri mberi

352. Mwana washe muranda kumwe

353. Mwana washe ndishewo, womuranda anochemberera muuranda

354. Mwana wengwe mwana wengwe kuona chikara haatizi

355. Mwana wenyoka inyoka haina muduku

356. Mwanasikana ndimapfumise

357. Mwoyochena weyi bere kugarira munhu akafa

358. N’ai kwadzo ndedzomucheche dzomukuru dzinoreva kudya

359. N’anga hadzifarirani

360. N’anga haizvirapi

361. Natsa kwavabva kwaunoenda husiku

362. Ndakaziva haitingamire

363. Ndakazvida haichemedzi

364. Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma

365. Ndezvehuru, doko dzinonyika miswe

366. Ndezvemeso muromo zvinyarare

367. Ndezvowabaya kuti chiropa hachiseveswi sadza

368. Ndima yabatwa yasundika

369. Ndima yasakurwa haidzoki

370. Ndingarega sei kununa ini ndiri parumano

371. Ndisvike-ndisvike inoradza vazhinji panzira

372. Ndizvovo kanyama kaasina’mbwa

373. Ndoita nzwirapamuviri tsvimbo yarova dapi

374. Ndomene haichemedzi

375. Ndongwe inyama hazvienzani nenhikiti

376. Ndumudzani hadzidyi mundiro imwe chete

377. Nerimwe zuva gava richadimbura musungo

378. Ngezvemo zvimbutu zvamaonde

379. Ngoma ndedzemiti kutsemuka tinoveza dzedu

380. Ngoma tamba vamwe vachatamba

381. Ngozi nehama hazvisiyani

382. Ngozi yerombe igandanzara/ijekakwose

383. Ngwena haidyi chabamba charo chinoza neronga

384. Nhaka mbuya ndeyemombe yemunhu inozvionera

385. Nhambetambe inoregwa ichanaka

386. Nhamo hadziiti mbiri

387. Nhamo haizivi pakagara imwe

388. Nhamo inenge yefodya inoti uku yakarumwa uku inotsva

389. Nhamo inhamo zvayo amai havaroodzwi

390. Nhamo ndimuuyandega semhanza kumhara mumusoro

391. Nhamo neman’a hazvisiyani

392. Nhamo urimbo inonamira

393. Nhamo yemombe kunyima mashanga iriyo yakarima gombo

394. Nhamo yomumwe hairambirwi sadza

395. Nhasi chineni mangwana chinewe

396. Nhasi ndini mangwana ndiwe

397. Nhava yebenzi haitani kusakara

398. Nhenha isibi inoroya

399. Nherera inoguta musi wafa mai

400. Nherera panorayirwa vana vevapenyu iwe inzwawo

401. Nhiyo kuenda kudzani huona mai

402. Nhonhongora kudya chayo kukumbirirei uchi kudondi

403. Nhumbu ibakwa rehuni inochengeta nyoka nemakonzo

404. Nhumbu mukadzi mukuru hairevi chayadya

405. Nhunzi haimhari pasina ronda

406. Njera yomusaririra ndiyo yeshiri

407. Nyadzi dzinokunda rufu

408. Nyakuravira ndiye anoziva kuti nyama yaibva

409. Nyamunatsi ndiye nyamutsigwa nebonda

410. Nyika mukanza, haina mukwambo

411. Nyoka huru haizvirumi

412. Nzanga inokura yerema yomuchenjeri inoparara

413. Nzanga seka dumba, dumba seka nzanga

414. Nzara ishuramweni

415. Nzira ine minzwa ndiyo ine ushe

416. Nzira masanga

417. Nzombe huru yakabva mukurerwa

418. Nzou hairemerwi nenyanga dzayo

419. Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori

420. Nzvengende rumbudzi rusisazivi mafuro

421. Onde kutsvuka kunze mukati rizere masvosve

422. Pabva zino rave vende

423. Pachapwa madziva miramba tichanyurura

424. Pafa munhu hapashaikwi muroyi

425. Pagara murimi pagara mupopoti

426. Pakukutu hapaurayi

427. Pane danga pane mombe pane hundi pagara hurudza

428. Pane machikichori miromo inovanda

429. Panoda mwoyo nzira haisviki

430. Panodya ishe varanda vanodyawo

431. Panomera muswe panonyeredza

432. Pasina nyimo makunguo aizodyei

433. Pfimbi yegudo, gare-gare yapfukunurwa

434. Pfini yenyoka kuruma chaisingadyi

435. Pfuma yenhaka inoparadza ukama

436. Pfupa jena rakabva munyama

437. Potsi haarwirwi anorwirwa ndiPiri

438. Rambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma

439. Raramo idivakamwe

440. Rega kutsindira mwena unobuda ishwa

441. Rega kuyera nyoka negavi iyo iripo

442. Regai dzive shiri mazai haana muto

443. Rima rinoshura chiedza

444. Rina manyanga hariputirwi mumushunje

445. Rinonyenga rinohwarara rinozosimudza musoro rawana

446. Rombe ngerichaenda rodzoka ndimambo

447. Rombe pakata hana mukaka ndowavaridzi

448. Rombe rinosekwa richaenda kana rodzoka, hedzo nhureture

449. Roro kutsvuka kunze mukati rizere masvosve

450. Rugare tange nhamo

451. Rukova rwizi kuyambuka unokwinya nguo

452. Rwizi rukuru madirano

453. Rwomuranda rwakoneswa norwashe, rwashe rwakoneswa nemvura kunaya

454. Samungemunge musvuvuganda dzvinyu risina mbava

455. Sango rinopa waneta

456. Shambakodzi yakarindwa haiviri

457. Shanje dzinodya muridzi

458. Shungu dzembwa dziri mumwoyo kuhukura ndiko kududza

459. Soko harivhikwi

460. Takabva neko kumhunga hakuna’pwa

461. Tambai nezvimwe, nhava yen’anga/yanyanduri haivhurwi/haibatwi

462. Tambe tambe vanoda varivo

463. Taramuka panotamba dera

464. Tenda muchero ugowisa

465. Tenda muchero wadya zvinogadza mwoyo

466. Tenda wakohwa zvemunda wezunde

467. Tichaona kunowira tswimbo nedohwe

468. Totenda dzanwa mombe dzaswera nebenzi

469. Totenda maruva tadya chakata

470. Totenda nyemba tanwira mvura

471. Totenda yabikwa imba yepwere

472. Totenda yavira tsambakodzi yedemhe

473. Tsapata rukukwe hazvienzani nokurara pasi

474. Tsenzi igara yadyiwa

475. Tsiru nzenzi manhenda waikama

476. Tsuro haipunyuki rutsva kaviri

477. Tsuro kotsa muromo

478. Tsvaru akadana tivu

479. Tsvimborume kutandara nemvana mwoyo uri kumhandara

480. Tswanda inorema yasvika

481. Twemudenhe tune ushorwi

482. Ubatebate hunourayisa

483. Uchenjere kudya nzungu zvese nemhutwa

484. Ugaro mwena kutevedza hunoguma

485. Ukadzinga tsuro mbiri imwe inopunyuka

486. Ukama hahusukwi nemvura hukabva

487. Ukama hunonhuhwa

488. Ukama igasva hunozadziswa nokudya

489. Ukama urimbo kudambura haubvi

490. Ukangosekerera hwiza mangwana dzinokudyira muriwo

491. Ukanzwa bofu richiti ndinokurova pane cherakatsika/ parakazendama

492. Ukaravidza chembere nyama inofira musango

493. Ukuru hurema hahuvanzwi

494. Umambo hutambidzwana

495. Umba hwehosi husina marevere

496. Umhandara idambakamwe

497. Unaki hwemukadzi huri pamwana

498. Upenyu hwenungo irima

499. Upenyu imhindupindu

500. Upfumi idova hautani kupera

501. Ura mapako hunozvara mbava nemuroyi,

502. Urombo hune nherera kudya ikarutsa,

503. Urombo hwayo mhembwe kufa iri pamusungo

504. Urombo hwenherera kupakwa ichirutsa,

505. Urombo uroyi hauudzwi munhu

506. Urombo hwematede kunaiwa nemvura makurwe ari mumhatso

507. Usachenjedza n’anga kurapwa uchada

508. Usadzinganisa tsuro nemunyu muchanza

509. Usaguta ukasunda dura

510. Usakangira nyimo vane meno avo havo

511. Usakurumidza kumedza kutsenga uchada

512. Usakusha mbeu mvura yaenda

513. Usaona imbwa kunyenama ukati unokusekerera

514. Usapedzera tsvimbo kuna vanamakuwe idzo hanga dzichauya

515. Usapinza munwe mumwena unobuda wareba

516. Usaruka nhava sora ratsva

517. Usarume muromo wenzombe inopura zviyo

518. Usashore nyemba nedzinozvimbira

519. Usatamba nematope pasina mvura

520. Usatanda hwiza idzo tsuro dzichauya

521. Usatsvaga nhava muuswa iro sora ratsva

522. Usavaka danga pasina mombe

523. Usaverenga mbeva nemudune

524. Ushe hauzvitongi

525. Ushe hukokwa, hunotokokwa kune vamwe

526. Ushe hunonyanga dera

527. Ushe hunonyangira rema

528. Ushe husiirwana

529. Ushe idova hunoparara

530. Ushe imhute hunoparara zuva rabuda

531. Ushe madzoro hunoravanwa

532. Ushe muzhanje unokuva

533. Ushe vuranda

534. Usiku humwe hauodzi nyemba

535. Usiku igore

536. Uswa hwenyati dohuri mudumbu huri pamuromo inofa nahwo

537. Utsi hwenyama hautosvori

538. Utsva hworurimi hahuna marapiro

539. Uzivi wenzira huri mugumbo

540. Vadani ndivo vakani

541. Vagere pachavo vangonyinda

542. Vakachenjera havatsvairani mbeva

543. Vakadyara tsvina vachakohwa hundi muchamupupuri

544. Vakafa havana chavakaona

545. Vakafa vakazorora

546. Vakakavira mhepo vachacheka chamupupuri

547. Vakamboonana havashayane

548. Vana vembwa havasvinure musi mumwe chete

549. Vana vengwena havakuriri mudziva rimwe chete

550. Vari kuno vanoshura vanoviga nherera mhenyu vachisiya muzvari afa

551. Vari pachavo chikurikuri

552. Vari pachavo vanokwenyana

553. Varume ndivo vamwe kutsva kwendebvu vanodzimurana

554. Vataitururira matohwe nhasi ndivo votiseka maparapadzwa

555. Vaviri vaviri wechitatu muzvinaguhwa

556. Vayanani ndivo varwi

557. Vimba nechako chemwango chekukumbira hachina ndima

558. Wabereka sekera muchitende

559. Wadzvova aguta

560. Wafa wanaka

561. Waguta zvekupisa dura

562. Waita mbereko ada kusuka machira

563. Waita womutorwa kuti kumwe kwakaoma kumwe kunyoro

564. Wakagarika ngewakafa mupenyu pfumo riri mushure

565. Wakandicheka nerakagomara

566. Waniwa haichatyi kufamba mudova

567. Wanzi baba wada kamusha kake

568. Warara warara nemuromo wake

569. Watungamira haatori nzira

570. Wazarira bako mvura ichada kunaya

571. Wegudza ndowegudza kufuga gumbeze rinotsva

572. Wekwemurume ndewe kwemurume

573. Wenhamo haachatyi kufamba murima

574. Wenhamo haaneti

575. Yadeuka yadeuka mvura yemuguchu haiorerwi

576. Yatsika dope/musheche yanwa

577. Zano marairanwa

578. Zano ndega akasiya jira mumasese. 

579. Zano pangwa une rako

580. Zano vaviri

581. Ziitakamwe mimba yousikana

582. Zino irema rinosekerera varisingadi

583. Zvaivana ngwarati kudya iwete

584. Zvakona n’anga murapwa achida

585. Zipfuko rambuya ziramba watonha

586. Zingizi gonyera pamwe maruwa enyika haaperi

587. Zino irema rinosekerera newarisingadi

588. Ziriwo rechembere ziramba waravira

589. Ziso haribi chomunhu

590. Zizi kurungwa munyu roti ndava hukuwo

591. Zongororo kugonya zvaro asi shungu rinadzo

592. Zhundu kugara mudanga zvanzi ndava mombe

593. Zuva igore rinodoka rava namarevo mavi namavuya

594. Zuva rimwe hariodzi nyama

595. Zuva rimwe hariradzi munda

596. Zvaitika zvaitika bhurugwa rebenzi risingazivi mberi kana shure

597. Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro

598. Zvinhu zviedzwa chembere yekwaChivi yakabika mabwe ikanwa muto

599. Zviri kumwene wegira kufuka kana kuwarira

600. Zviroto zviroto

601. Zviururwi zvinofara kana kondo afa ziso

602. Zviuya hazvivanani

603. Zviuya zviri mberi

604. Muzvimbirwi ndiye nyakurwa nesasa

605. Nhambetambe inoregwa ichanaka

606. Zanondega akasiya jira mumasese

Comments