Top Mhando Dzekubirwa pa Zimbabwe


1.Chadonha

This method either unodonhedzerwa mari pamberi pako or someone approach you wotanga kucommenta about you hee wakachena hairstyle yako wakarukwa kupi etc then unozonzi munhu uyo anhonga mari saka hande paari tinosheyana naye coz ndamuona achinhonga. Kana waenda kuya ucharatidza mari zveshuwa and mari iyoyo ichanzi ngatiise musocks.One wevanhu ivavo ndiye achatanga kubva pauri achiti akunoverenga mari, then wodzoka woti mune 600usd etc. Then vobva vati iwewe chiendawo unoverenga uye nekutora share yako.iwewe pauchada kuenda vachakuti siya zvinhu zvaunazvo coz unozotiza nemari. Iwe uchasiya zvinhu woenda kwaunenge wanzi unoverengera  eg mushop. Wave mushop uchaona kuti musocks mune mapepa hamuna mari coz masocks iwayo i2 one nderiya rawaratidzwa mari chaiyo then rimwe rine mapepa. Iwewr unenge wapihwa remapepa. Waona kuti mune mapepa uchabva wada kudzokera kuvanhu vaya wosvika hapana munhu. Boom watobirwa.

2.Kupinzwa basa

This method unosangana   unosangana nemunhu wokuti tikutsvaga  vanhu vanotibatsira kuburutsa zvinhu or any other job. Its for just 30 minetsi then tokupai eg $15usd.iwewe ucha calculater woona kuti 30minetsi unenge watoita mari then wobvuma. Pamunenge muchifamba kudaro muchasanagana nemumwe munhu wechi2 waachaudza same statement wobvumawo futi. Munhu iyeye vanenge vari pamwe chete ndiwe unenge uchibatwa kumeso. Zvadaro muchaenda pamuchaenda then ponzi pabasa pacho pakubiwa zvakanyanya saka ndiratidzei zvamunazvo kuti musazonzi maba.muchabva mapihwa ma envelope monzi isai mari dzenyu nemafoni. Kana maisa zvonzi ndipei ndisaine. Paanosaina paya ndopaunobirwa anobva achinjanisa ma envelop aya wopihwa rine mapepa nechipisi chema tiles to look like its a phone. Then munobva manzi chisarai pano makandimirira ndiri kunotsvaga ma worksuit. Then haadzoki. Mumwe wake uya anobva ati munhu uya anonoka kuuya ndakuenda ini ndiri kumhanya. Newewo unobva waramwawo woenda kwako. Paunozoti rega ndifone boom fon hapana yabiwa.

3.Kutsikwa/Kudhumhwa/Kumhoreswa handshake

This method munhu anokutsika or anotaimira pauri kyda kutsika woisa gumbo rake ipapo wobva wamutsika. Kana uriwe wamutsika achakupopotera popotera iwewe by the time yaunenge uchipopotera wakumukumbira ruregerero mumwe wake anenge ari busy kukusecha. Kana ariye akutsika kana kukudhumha anenge achiti sorry sorry wangu. Mumwe wake ari busy kukusecha.pamwe pacho unosangana nemunhu wausingazive wokuti ah hesi kani indava kurova achikupa handshake or kutokupa hug chaiyo. Iwewepaunenge une confusion yekuti ndiani munhu andiziva uyu, mumwe anenge achitokubira. Ndopaya pamunozongoona musina chinhu.

4.Fake/bogus police

This method inishandiswa nembavha dziya dzinenge dzakanhonga ID yemupurisa. Dzinenge dzakufamba dzichizviti mapurisa. Vakasangana newe unotoburitsirwa ID yepolice chaiyo chaiyo but iwewe unenge une panic hauzotarisi kuti face iri paID ndiyo here irikundisunga. Then kana wasungwa instead yekuenda kucharge office  unonangiswa kumwe eg muchikomo chepamarket . Masvika ikoko muchatorerwa zvinhu zvese and hapana zvaunokwanisa kuita ikoko coz mugomo musango.

5.Pressure pakombi or any queue or munzira

This method ndeyekungo creater pressure eg panouya kombi paya sepana Charter apo mese munobva mamhanyirana pakombi pachiitwa pressurre yekupinda. Panguva iyoyo yepressure ndopamunobirwa either nekungovhurirwa zip or kusechwa or kuchekerwa bag ne razor. Unozoshama wapinda muKombi wakuona kuti ko zvaisiri kuzara wani but panze taiita pressure. Ndiwe waibirwa

6.Mushikashika tax

Iyi inonyanya kutonga pana 4th apo.Unokwira kamota kemushikashika its either uchagara kumberi or kumashure. Ukagara kumberi uchanzi ndigadzirisirewo mirror paunenge uchigadzirisa mirror mumwe anenge aribusy kusecha bag rako. Or kana wanga wakwira kumashure muchasvika pamwe pekuti 1 munhu achada kudzika iwe uchanzi vhura door apa rinenge raiswa childlock wonzi imbotrayai kudai nekudai. Nguva iyoyo ukutosecha ukutobirwa.

7.Swap and top

Iyi inotambwa paGulf nepaZimex. Unosvika uchida kuita fon swap and top paboys repanze riya.munotesterana zvese zvakanaka wobhadhara mari yako.Achabva ati huya ndikuda kubvisa zvinhu zvangu mufon iyoyo iwewe uchabvuma kaa then yobairirwa palaptop. Kana yabairirwa palaptop fon ichatanga kuramba kushanda uchabva wafunga kuti yafa. Wobva wati ndipe mari yangu nefon yako yawanga waita naye madhiri. Iye anobva ati mira ndikutsvagire imwe wokuti sara wakamira neuyu iye achinotsvaga imwe yakanaka apa anenge ane zvese mari yako fon yako nefon yake iya yamaiitisa madhiri. Kana aenda paya munhu wawasara naye achabva atanga kutoendawo zvake pauchada kumutevera or kumuti fon yangu uchanzi hatizivane nemunhu uya. Boom wabirwa.

8.Shop dambu

Method iyi inorohwa varidzi vemashop. Inoshandiswa nembavha dzechikadzi kunyanya. Vanopinda mushop vari 2 or 3 even more then mumwe anenge achingobvunza bvunza maprice kuti vashandi vemushop vape iye attention. Vamwe vake vanenge vachiba vachiisa zvinhu pakati pemakumbo.vakadzi ivava vanenge vakapfeka ma long skirt or dress. Vamwe vacho vanenge vakabereka vana.

9.Majega

Iri iboys riya rinoita basa rekutakura zvinhu. Havasi vese havo. Asi kana arimbavha anoti kana atakura zvinhu zvako anofambisa zvekuti he wi out pace you kusvika usisamuone. Unenge watobirwa. Or mumwe wacho anofamba newe kusvika wati rega ndimbotenga something mushop iyo. Muchasvika mese ipapo mosiya zvinhu pa parcel counter. Mopinda mese mushop. Mave mushop anobva akutiza wonotora zvinhu pa parcel counter worova pasi. Mamwe mashop haana zvema card zviya papacel counter.

10.Nyengisto

Ava vanoataka madzimai nevasikana chete. Uyu munhu uyu anosangana newe wokunyenga either uchabvuma ipapo ipapo or muchangoita mafriends. Mukaita mafriends anogona kutokurera kana 2 weeks or mwedzi asati akubira then wozoti huya mutown wouya kana wauya moenda muchicken inn modya henyu. Mapedza wobva ati pane munhu wandikuda kusangana naye fon yangu yadzima. Ndipowo yako uchabva wamupa fon uchimutrasta kaa wobva ati munhu wacho hameno paakamira panze apo rega ndinomuona obva aenda nefon yako iwe wosara wakagara.Zvatovharana mabirwa mai mwana.

Or kana wabvuma ipapo ipapo munobva matoenda kulodge wonorohwa lulalula zvausati wamboitwa upenyu hwako hwese. Paanopedza uchabva wakotsira then iye wotakura zvinhu zvako zvese woenda. Watobirwa

11.Mosken

This method unosangana nemnhu anenge achitaura chi moskeni achiti haazive mari yemuZim. Anobva akuti akuda kunotora mari yake yaakatengesa matombo ake. Saka akuda kuti umubatsirewo kuti asavharwe sezvo asingazive mari yemuZim. Unobva wanzj ndokupawo kana 100usd wobva wabvuma. Then uchapihwa ka receipt kanenge kakanyorwa mari yacho wonzi enda mu office yakati mu building iro wonosvikobvunza munhu anonzi nhingi womupa receipt anobva akupa mari yacho. Unonzi kuti iye ayende hazviite coz haana passport saka anotya kusungwa. Achabva akuti siya zvinhu zvako coz ungazotiza nemari yangu. Uchasiya zvinhu woenda paunosvika kubuilding kuya wonzi hakuna munhu ane zita iroro ndopauchadzoka wosvika kuwana pasina munhu pawasiya blaz vaya. Watobirwa.

12.Vehicle hiring

This method inorohwa vema tax nevaya vanohaisa tuma lorry tudiki vaya. Unohaiwa kunzi ndikuda kunotora zvinhu pakati. Muri munzira wobva ati fon yangu yadzima ndipowo yako nditaure nemunhu wacho ane zvinhu zvangu. Uchamupa. Kana masvika paya achabva adzika nefon yako woti mira pano ndinotora zvinhu achabva apinda mubuilding then wobuda nekuseri fon yatoenda.

13.Hairdresser hiring

Iyi inorohwa vasikana vemusalon. Munhu anouya wokuti ndakabata ka contract kekugadzira musoro ma bridesmaids wobva ataura imwe nzvimbo yevanhu vemari. Achakuti ndikuda kuti uuye kuzogadzira vanhu misoro ndokupa eg 200usd.Zvese ndezvangu chako kuruka chete. Uchabvuma. Musi wekuenda wacho wasvika achabva akuti sorry vaskana asi kwatikuenda uku hakudiwe mapfekero amakaita pamwe unenge wakapfeka trauzi konzi vanhu vacho havaite zvematrauzi, unondiluzisa contract. Uchanzi ngatipinde muTopics or whatever shop yehembe ndikutengere dzinoita coz kuti udzokere kumba we are behind time. Mapinda muya uchasarudza hembe dzauri kuda. Wave kuchange room achabva atora handbag nezvimwe zvako wobva arova pasi. Vemushop vanongoti muri pamwe chete. Boom wabirwa.

14. Money changers 

They are using this method to steal from people. Unosvika with your USD and say you want some bond. Like for example unenge uine US$20. He will say give me the USD and womupa and he will start counting the bond..and he will say haichakwani let me give you back your USD.... In giving you back,he swaps your original USD with a fake one... If don't scrutinize the money unopihwa fake and he will disappear ..

15. For those in the habit of carrying people

 Thieves will get into your car... After driving a distance one of them will say ndoburukira pamberi apo and you will stop. He will start counting money... As you are distracted one of them anokudzipa. Vanokutora vokugarisa back seat vakakugarira musoro... Ran sack your car and dump you in a bush.

Comments