Ngano - Tuchembere


Karekare kwaivapo nehondo pakati pemarudzi.Varwi vanenge vakunda vaitora vakadzi vakanaka vose uye zvipfuwo zvakaita semombe ,nembudzi hwayi kana  huku. Vamwe vose vaiurayiwa vobva vasiya vapisa misha.

Nemumwe musi varwi vevavengi vakaonekwa vari  chinhambwe vachiuya.  Vanhu vakatanga kutiza.

Zvino mumusha umu maigara tuchembere tutatu twaichengeta vazukuru vavo vaiva nherera. Tuchembere tuchiona hondo ichiuya twakaziva kuti hatwaikwanisa kubudirira kana twukamhanya nevamwe. Nekudaro twakafunga zano rekuhwanda muzvuru zvaive kunze kwemusha. Chembere yegayega pachuru payo nevazukuru vayo.

Pachuru chekutanga pakahwanda mbuya va Muchagureni .Kuzoti varwi vasvika akaona vanhu vazhinji vatiza asi pakutsvagiridza makahwanda vakasvika nepachuru chambuya va Muchagureni nevazukuru vavo ndokuti "Eeeh huyayi muone kachembere kari muno muchuru! Kane danga revazukuru!" Varwi vakamhanya kunoona vakakungurira vachifara kuti vainge vawana mhandu dzakahwanda muchuru.

Ukuwo kachembere kemuchuru chepiri kakati zvakarwadza kunzwa varwi vachikungurira ambuya va Muchagureni vainge vane vazukuru vashoma pane vavo. Nepo kakadavidzira koti "Hhaaaa kuzokungurira dzambuya va Muchagureni dzangu mambodziona?

Varwi  vakabva vati hekani  kamwe karipano!

Kamwewo kemuchuru chetatu ndokushushikana nezvainge zvaitika kachibva katiwo "Hezvo! Kuzozviganhira nhaiwe Mandinyeya? Vako vangaenzane nevangu here?" Twese twakabva twabatwa nevarwi. 

Ndipo pakaperera sarungano.

Comments

Post a Comment