Ngano - Kamba nehwahwa


Paivapo mhuka dzesango dzaienda kune imwe nzvimbo yaiva kure. Dzakatakura chikafu nematende ehwahwa. Dzave pakati perwendo dzakaona kuti kwaive kwasara dende rimwe rehwahwa. Dzakagara dare kusarura akavimbika angatumwe kunotenga humwe hwahwa. 

Vamwe vakati Tsuro Magen’a. vazhinji vakaramba vakati  kunyangwe zvake aive achikwanisa kumhanya nekuuya nehwahwa panguva pfupi pfupi, Tsuro aiva asina kuvimbika aizo vavhara mari yavo. Vamwewo ndovakati Sekuru Gudo. Vazhinji vakaramba vakati kunyangwe zvavo Sekuru vaiva munhu akavimbika uye airemekedzwa vaiva vasina kunyanya kuchenjera vaigona kubirwa mari kana kutengeserwa maheu. Vakazeya kwenguva yakareba kusvika vaona kuti zvaiva nani kutuma Kamba nokuti kunyangwe zvake aiva nechinono  vose vaivimba naye. Mhuka dzose dzakawirirana kuti dengu renge rasara risanwiwa kusvikira Kamba adzoka. 

Kamba akapinda munzira. Zuva rekutanga rakadarika…rechipiri…rechina…Kamba haangadzoke. Zvino mhuka dzenge dzafa nenyota. Bere ndiye akatanga kuchema chema akati “vakomana pano takuvara, tava kutofa nenyota takamirira Kamba. Tadii kungonwa zvishoma mudengu?” Nokuda kwekuti mhuka dzese dzenge dzatambura chokwadi nenyota pakaitwa mahun’a hun’a ekubvumira. Pakarepo Kamba akabva asimudza izwi akati “mukangobata dengu iroro chete handiende!”

Ndipo pakaperera sarungano

Comments

Post a Comment