CHIVANHU, MIDZIMU NEMATARE.

 Nhau idzi dzichiri kuda kunyatso patsanurwa nekuti mhwere dzakawanda hadzisi kuziva nekunzwisisa.

➡️ CHIVANHU

   1) CHIVANHU itsika dzakabviroitwa nemadzitateguru edu ekutanga kusvikira kumadzibaba edu anhasi.

   2) CHIVANHU mitemo yakaiswa nevakuru vedu vekutanga kufamba panyika, yakanangana nesu pwere dzine mitupo kuti tiyi tevedze tive vanhu vane hunhu nekuera.

   3) CHIVANHU magariro atakanzi tinofanira kuita parudzi rwedu rwechitema nevakaenda kumatare, nyikadzimu, kumabvazuva kuti tisaita sehuku dzachekwa misoro dzosiiwa.

   √ Hakuna kusina huipi. Murudzi rwedu rwechitema mune vanoita rehuipi vachinyebera kuti vari kutevedza CHIVANHU. Vanhu ava vari paviri:

 a ) vanoita vachiziva, vari avo vakaromba kutobva pakutanga neavo vakatsauka asi vaimbotevedza CHIVANHU chakanaka chemazviro kwazvo.

 b ) neavo vakasiirwa nzira dzakaipa vachiri vacheche nevedzinza vokura vasinga zivi chimwe chinhu voti zvavanoita ndizvo zvakanaka.

 Ndochiti CHIVANHU chakanaka chinoonekwa nevanhu vanochitevedza kuti vane moyo nemabasa akaita seyi. 

   √ Asika, tichingwarirawoka vaipi vanoda kuita sevanotevedza CHIVANHU asi vachiita zvakaipa voti ndizvozvinofanira kuitwa kuri kuda kurasisa mhwere.

   √ Ngatiziveyi kuti pane mwenje, rima rinowavarira kupinda nekubvongodza kuti chiedza chishaiwe simba chiparare.

   √ Saka mwana wemutema dzidza CHIVANHU chako wochenjera kuisirwa rima mumaziso nekuisirwa zvitanda munzeve kuti usaone nekuteerera vanodzidzisa CHIVANHU chemazviro kwazvo kuti udzidze CHIVANHU nehunaku hwacho.

 ➡️ MIDZIMU/DZIMU 

 Izwi iri rakabva pakuti vadzimuri vanodzima ringauya serimi remoto kuzokurwisa kana kukuitira rakaipa. 

 Kunonzi kudzimura kana kuti kudzima. Rinowanzo shandiswa pakudzima moto/mwenje. 

 √ MIDZIMU vanhu vakamborarama vakafa vakarohwa makuwa (kudzorwa mumusha) ndokuenda kuMatare/kuNyikadzimu kwavakanogamuchirwa nevamwe vakatanga kuendako.

√ Kumatare kunoendwa nevanga vakachena pakufamba kwavo vachararama, asi kana vakasa rohwa guwa havagamuchirwe, vanopaika nekudzungaira panyika.

 √ Apa ndiri kutaura nezvevakuru vedu varimadzibaba edu kubva pana bambo/baba nyakutumbura toenda pana baba wavo (sekuru) toenda pana baba vasekuru (tateguru) zvichikwira zvakadaro kusvika kuna sikarudzi redzinza remunhu.

 √ Kozoteveravo hanzvadzi dzose dzeavo vandadoma pamusoro apo madzibaba ose kubva pane hanzvadzi yababa kusvika kune hanzvadzi yezitateguru rekutanga (sikarudzi), ava madzitete vochonzi machembere.

 √ Kana vakuru ava vasvika kunyakadzimu vanozosarudza pwere yavanoda nekuichiva vatoona kuti pwere inokwanisa kutakura dare ravo.

 √ Mukuuya kwavo, vanouya vaine donzvo rekuchengeta, kuvumbamira, kurwira, kugamuchidza hupfumi kumhwere, mhuri kana dzinza rawo nekuita Matare. Pakuchengeta apa vanotochengeta nherera neshirikadzi nevanotambura kunyangwe vatorwa.

 √ Dzimu rinogona kutoti mumhuri muzvarwe mwanakomana chiri chinangwa kana kuti donzvo rekuti azozvara mutakuri wedare rake.

 √ Pamatare Dzimu iri rinowanzo shevedzwa kuti HARAHWA, chiri chiremerera. Kana Harahwa ichinge yagara pamafudzi/mapendekete epwere, pwere yosamhuka isingazive kuti yakagarwa, ine muitiro wayo kuti pwere igone kuziva.

√ Harahwa iyi sedzinde reDare ragara/ratsunzumara pwere inouya yosarudza vayo vainoona kuti vakakodzera kuibatsira kuita mabasa akasiyana siyana asi inosarurara vakachena nekuera, vanove vaiita mabasa akanaka vachararama.

Vabatsiri ava vanoti:

1) Mhondoro yedzinza kana yematunhu...

2) Jinda - Hombarume

3) Machembere

   > madzitete

   > madzimbuya - varoorwi

> Machembere vozokwezvavo zvavo Mhepo dzekumvura.

√ Kana pwere ichinge yaziva kuti yatsunzumarwa/yagarwa neDzimu haigone kumanikidza mukuru kuti abude ataure kana kuita matare. Vakuru vane zvikonzero zvekusabuda nekuti vane nguva yavo yekubuda vachitaura kana kuita Matare ndoo kunge vachibuda nekuti vamwe havatobude, vakangouya kuchengeta nekuita mamwe mabasa vasingabude kana kutaura...

√ Vanoita Matare/Sahwira haagone kuti "ini ndinotoubuditsa chete ukataura" izvi zvinogona kukubayisa nevedzinza vanenge vakamirira kubuda kana kutaura kwawo Mudzimu uyu...

√ Kana pwere ikabatsirwa/kuitirwa dare nevanoita Matare, kana raitwa iroro richinge raitwa nemudimbudzirwa kana kuitwa neakasviba ropaika zvoreva izvo kuti dare rinofanirwa kuitwa namazvo patsva, vakuru havarovi sahwira aita neshamhu asi sahwira anorohwa nevekwake kana nguva yake yakwana. Mudzimu vepwere unosimudzira Pwere yawo dambudziko rekuti anototi abvunzire zvakare apa kuri kuti achienda kune akakodzera ndoo kunge akasuma kuti anoda kubuda kuenda kwasahwira.

√ Kana dare raporongwa rapaika vakamugamuchidza kana kuzarura makwara kana kuranga sahwira haazoziva kuti dare rakabatwa rakapaika, zvino vanoita kuti utsvage chaita kuti musoro ubande.

> Ngatiziveyi zvinoda vakuru .

 Chekutanga: 

 a ) Kukotama, kuhwarara nekuvaremekedza.

 b ) Kupfugama nekuteura munhu akachena panyama nepamweya nekuzvinyima chokudya. Kubata masuwo, kusatya nekusatsitsirira kuita matare.

 c ) Kutevedza nekuzadzikisa rinenge rarehwa nemhepo.

 d ) Kuitirawo vakuru mabira, madandaro tichiva pembedza, madanha nezvimwe zvinova simbisa nekuvafadza.

 Anoita zenze ndeanoridzirwa mhururu, zvoreva izvo kuti tikapemberera zvavanotiitira kubva pakuchengetedzwa kuti tione kubuda kwerimwe zuwa vanoita manyemwe vatambanudza pakuru .

 ➡️ MATARE 

√ MATARE inzvi rakabva pakuti DARE zvichireva huwandu hwezvinotitwa muzita redare.

√ Dare kugarirwa pasi kana ungano poitwa zvinoitwa nekugadzirisa zvinogadziriswa.

√ Manje kana ponzi MATARE , pave kuitwa, kutaurwa nekugadziriswa zvemweya. Kana ndichiti zvemweya ndinoreva isu vapenyu tichiita, kutaura kana kugadzirisa zvevadzimu nedzimwe mhepo zvakare kana kuti mbepo dzichiitawo, kutaura nekugadzirisawo zvinhu kuNyikadzimu.

√ Kudzidzisana nekukurukura zvine chekuita nemhepo kuita Matare.

√ Kurapa kupi zvako munezvakanaka kuita Matare.

√ Kuteura, kutsanya nekufamba nzvimbo dzenoera kuita Matare.

> Zvakawanda zvinoitwa zvakananga nemhepo zvinonzi kuita Matate. Saka mupenyu akaita zvose zvine chekuita nezvemweya zviri zvakanaka zveCHIVANHU nemhepo dziri pamafudzi edu kusanganisira MAKOMBWE naMUSIKI vanofara zvakapfurikidza towana makomborero nekuzadzikisirwa zvishuwo zvemoyo yedu.

 YAMBIRO HOMBE YANDINODA KUKUSIRAYI: 

 > Ndeye kuti, ngatiiteyi zvinoita kuti tigozo gamuchirwa kuNyikadzimu kune maDzitateguru edu vakaenda kare vakanaka, vakachena nekuera. Tiregedze bata nekuita zvakaipa zvinozoita kuti tirambidzwe kupinda mumadzinza edu kuNyikadzimu, tozopaika mumiGumtree nekuzonetsa vapenyu.

➡️ CHIVANHU CHEDU, MATARE NEMIDZIMU ndizvozvinoita kuti minamato/nheuro dzedu dzisvike kuna MWARI/MUSIKAVANHU topindurwa.

> MUFAMBISIRWO WENHEURO 

√ Kune avo vanogara pasiri pavo panobisirwa mari kuti vagare, muchingosvikapo, sumirayi kuvaridzi (Mudzimu) vepamba/pachivara ipapo, kunyanya avo vanoita Matare ekubetsera mhwere kuti musazonzi mave kutanangira...

√ Nheuro dzedu kana kuti Minamato yedu tinotanga kuipira kune varidzi vemasango/Dunhu tozoenda kuvaridzi vechivara...

√ Tabva kuvaridzi vesango/Dunhu nechivara, tochizouya kumadzinza toenda kumbereko toenda kumashavi.

 √ Kana muronga uyo vakafa vose paine asina kurohwa guwa, iyeye asina kurohwa guwa anosiiwa nekuti haagoni kugamuchira humbiro dzako. Apa tinenge tichivadoma nemazita avo nemutupo, asi kana tisingazive mazita panangorehwa mitupo chete, (mutupo) uyu uri mutupo wako zvakare nekuti madzibaba ako. Kanamunhu asinga zive mutupo wake anongo revakuti "imi vakuru vanhu muri pamafudzi angu zvakanaka vakachena, mondiisirawo miteuro yangu kuvakuru venyu zvichikwira zvakadaro nemuronga nehuerwa hwenyu...."

√ Kana vose vasina kurohwa makuwa, tinongo revera kuvakuru vedu nemutupo yedu chete.

√ Asi patino kumbirira pose tisarega kuti "vakanaka, vakachena, vaeri..." 

√ Kana tapira nheuro kumidzimu yedu, tinoti vaisvitse kuMHONDORO neMASVIKIRO, ivo voisimudzawo kupira kuMAKOMBWE, avo ndivo vanozoisvitsa kuna MUSIKAVANHU.

Aiwa hama wadiwa, dare hariperi musi mumwe chete. Zvandareva muchinyorwa ichi, zvizhinji zvinoda kupatsanurwazve nekuwedzerwa. Dare mukomberanwa, chara chimwe hachikombi churu tobetserana mukudzidzisana repasi iri ratakasiirwa senhaka nemaDzitateguru edu. Ngativhureyi njere dzevasingazive, todzorazve vakatsauka kubva mugwara remaDzitateguru edu.

Ndovimba muchabatsirika kune avo vanga vachiri kutanga pa nzendo dzavo

Comments

  1. Totenda ne dare ramatipa, ranzwikwa mandibatsira pakutekaidzawo rekwangu.

    ReplyDelete

Post a Comment