ZVINHU ZVINOTORWA SEZVISINA BASA ASI ZVINE BASA

ZVINHU ZVINOTORWA SEZVISINA BASA ASI ZVINE BASA 

1Kumuka motadza kumutsana (mamukaseyi? Maswera seyi?)

2 Kungobuda pamba / pavanhu usina kuoneka

3 Kuzora mafuta makagara vanhu

4 Kupinza vanhu mubedroom mako vese vese

5 Kugarisa vanhu pamubhedha pako vese vese

6 Kufamba nemasocks kunobuda kunze

7 Kudya munhu achitaurisa paruzhinji

8 Kudya pavanhu munhu akamira.

9 Kupinda mumba mevanhu wotaura navo wakamira.

10 Kubuda kunze kwegedhi uchigeza mazino.

11 Kukama musoro mumba makagara vanhu

12 Kubvisa bhutsu mumba mune vanhu idzo dzichibuditsa mweya wakaipa

13 Kubuda kunze uchisvisvina bhonzo. 

14 Murume kubuda panze kana mumba usina shirt/ T shirt

15 Kugeza kumeso mvura ichibva mu cup

16 Kurara pasofa mumba makagara vanhu.

17 Kudyira mupoto 

18 Kukokota plate yapera zvinhu

19 Kupinda mumba usina kugogodza 

20 Kutadza kurepler munhu iwe waona message yake

21 Kuisa salt usina kutanga waraira

22 Kudya usina kugeza maoko

23 Kuisa ma earphones uchitaura nevanhu/ mumba mune vanhu.

24 Kukudubura mapoto ausina kunzi kudubura.

25 Kuyanika zvipfeko zvemukati pachena

26 Kuvhurisa zviVolume reRadio/ Tv zvinovhiringa vavakidzani 

27 Kucomment nyaya yausina chokwadi nezvayo.

28 Kutadza kutenda waitirwa zvakanaka( kubatsirwa, kuchegetwa, kupihwa, kunyaradzwa etc)

29 Kutarisa vasvika pamunhu/ pavanhu vausingazive kuti vanoita nezveyi.

30 Kungotaura nezvauri pese pawangoshamira muromo.. Chindini ndini( Ndakanaka, ndini ndiri kumuchengeta, pasina ina dayi akafa, ndini ndinogona, ndakadzidza ndine mari, ndinonamata chaizvo etc

Comments