Zvakanakira kudira doro pasi pemuchakata

1 * Mhondoro dzemasango dzaunenge wapfupira nezvambwa nebute nedoro dzinoenda Nyikadzimu dzondosumudza mudzimu wako. Sezvo Mhondoro riri simba guru rinokwanisa zvakare kundosunungura mudzimu wako kana wskatsipikwa.

2 * Paunoramba uchidzokera uchidira doro nefodya pasi unenge uchipa mudzimu wako simba rekuti usumuke uye ufambe uuye usvike pauri.Kana wanga wakasungwa unenge uchimupa simba rekurwisa kuti upudzunure.

3 * Kusango kwakanakira kuti kunoteramira Mhepo dzakasiyanasiyana saka paya paunokumbira mukomberanwa wehondo Mhepo dziya dzinouya dzobatana nedzako zvoenda kundokurwira.Mhepo dziri patiri dzinotodawo maSahwira anodzibatsira nekusimbisa sezvatinoitawo vapenyu.

4 * Kusango kwakanakira zvakare kuti mudzimu wako unogona kutoona rimwe shavi rakanaka vakatotaurirana rikauya rikakuperekedza.

5 * Kusango hakuna mamhepo akaipa anovhiringa matare kunge kumba.

Hutano, Hupenyu & Mararamiro

Comments