SVIKIRO, MHONDORO NE GOMBWE

 


SVIKIRO, MHONDORO NE GOMBWE ::::::

Mutsika dzedu tine mhepo dzakawanda dzakasiyana siyana dzichitakurawo mabasa akasiyana siyana zvichienderana nekutumwa kwayakaitwa mhepo iyoyo kubva kunyikadzimu na Musikavanhu, tinewo dzimwe dzinenge dziri dzehondo dzinongomirira kurwira vapenyu kubva muhondo dzavo, dzimwe dzemaraiwa kureva kupa dzidziso kuvapenyu kuti varege kurasika gwara, dzimwe dzevhumbamiro kureva kuvhumbamira vapenyu zvisinei nekuti hausi wedzinza remhepo iyoyo, dzakawanda nemabasa adzo apa ndangodoma dzimwe dzacho.

SVIKIRIRO :::::

Uyu munhu akasanangurwa kureva kuti akasarudzwa akapihwa chipo naiyo nyikadzimu chekutura mashoko mudunhu zvisinei nekuti mhepo yadzikisa mashoko aya ndeyipi zvichireva kuti munhu uyu hasi homwe yemhepo imwechete asi kuti mhepo dzakasiyana siyana dzinosvikira ( kurovera) pamutumbi uyu dzichitura mashoko adzo kuvapenyu, nemumwe mutauro tingamudaidze kuti (mouth piece of the gods), nekudawo kwekusiyana kwematunhu atinobva Svikiro irori rinotorwa sehomwe ye Mhondoro inomirira dunhu iroro asi chokwadi chaicho chiri chekuti ihomwe inosvikira Mhondoro dzakawanda dzichitura mashoko adzo.

MHONDORO ::::::

Mhondoro munhu akamborarama panyika akazodzoswa nenyikadzimu atakudzwa matare ematunhu, mhepo iyi inobata chero pamunhu asiri wedupo rimwechete nemunhu adzoka ari Mhondoro uyu, semuenzaniso muyera Moyo anoparara odzoswa nenyikadzimu iri Mhondoro anogona kuuya achibata pamuera Soko achitotakura mabasa ake ari ipapo uye Mhondoro idzi dzinodzoka dzichimiririra matunhu,ndidzo zvakare dzinoshandidzana na Mambo wedunhu (Paramount Chief ) dzichitura mashoko anenge abva kumasimba makuru ari pamusoro padzo, kana mashoko aya ari echenjedzo kuvapenyu Mambo vanozotuma machinda avo kunodana ma Sadunhu ( Sub Chiefs ) vomuturira mashoko aya iye Sadunhu uyu anozotumawo ake machinda kunodana vakuru vemisha (ma Sabhuku) vanova vanizodzidzisa vanhu munzvimbo dzavagere nezvemashoko aya uye Mhondoro idzi dzinotakurawo matare enyika kureva magariro nemararamiro evapenyu munyika, kunewo zvakare Mhondoro dzemadzidzinza kureva kuti muyera Moyo akaparara anodzoka achigara zvakare pamuyera Moyo iri Mhondoro zvisingarevi kuti anomiririra vaera Moyo chete asi anomiririra dunhu pamwe nenyika.

GOMBWE ::::::

Gombwe mutumwa vaMusikavanhu kureva kuti hasi munhu akamborarama pasi pezuva asi kuti izwi rakatumwa kuvapenyu na Musikavanhu, makarekare mazwi aya aisataura akagara pavapenyu asi kuti aitura padombo, pahuswa, pamuti kana mumvura, Makombwe aya ndiwo anomira pakati pevapenyu, Mhondoro na Musikavanhu zvichireva kuti Gombwe ndiro rinoturira mashoko anobva ku Mhondoro kuna Musikavanhu kureva matambudziko arimidunhu ainenge yatadza kugadzirisa, Makombwe aya anobatawo mabasa akasiyana siyana zvakare, kunewo Gombwe re hondo rinorwa hondo dzevapenyu, Gombwe rinoona nezve runyararo munyika, Gombwe rinoona nezvekupihwa kwemvura kuvapenyu (kunaisa mvura), Gombwe rinorwira ivhu, kozovawo ne Gombwe rinova ndiro guru kumakombwe aya rinova rinotrirwa mashoko nemamwe Makombwe ayo rinova ndiro muvhumbamiri wemhwere riri mutari wenguva kureva kuti panoitika chinhu munyika Gombwe iri rinenge rakatotara nguva kuti panguva yakati chekuti chinofanirwa kuzadziswa Gombwe irori ndiro rinoturira mashoko kuna Musikavanhu, zvakadaro hazvo aya ndiwo mamiriro akaita ma Svikiro, Mhondoro ne Makombwe.

Comments