SHOKO RERUDO

STAGE 1

Rudo runotangira mumba , ndiyo first stage , 1Timothy 5 vs 8, chekutanga kudanana iwe nevaunozvarwa navo mudumbu ramai vako nekuda mhuri yako. Genesis 45 vs 13....15 Josefa akanga achidanana nemwana wamai vake Benjamin zvikuru kwazvo paakamuona vose vakachema nokuratidza rudo sezvavaizvarwa mudumbu rimwe chete. Saka iwe unodanana here nevemudumbu ramai vako seavo varume vaviri?. VaFiripi 4 vs 2 Paul unoti ndinokumbirawo kuti Yuwodiya naSintike vawirirane somukoma nomunun'una muna Tenzi, kureva kuti mukoma nemunin'ina vanofanirwa kudanana.

 STAGE 2

Deute 27 vs 16, chepiri kuda baba vako namai vako vakakubereka. Usavatsamwisa kana nepadiki zvapo.

STAGE 3

Deute 22 vs 1 Unofanirwa kuda hama dzako dzeropa dzose nomoyo wako wose. Ukaona dambudziko pangava pachipfuyo chehama yako unofanirwa kuva nebetsero ipapo kuratidza rudo NEHAMA yako.

STAGE 4

Deute 23 vs 15.... Unofanira kuda muvakidzani wako uye muranda wake newako.

STAGE 5

John 13 vs 34, Unofanirwa kudanana nevatendi vaunodzidza shoko raMwari navo. Jesu unoti vadzidzi vangu dananai pachezvenyu kuti nyika izive kuti muri vadzidzi vangu.

STAGE 6

1 Sameri 18 vs 1, Unofanirwa kudanana neshamwari yako nomoyo wese. Jonathan akada David sekuzvida kwaaiita iye pachezvake, akatozomupa hanzu kuzadzisa rudo naye., 1Sameri 19 vs 2 Jonathan akaudza David kuti baba vangu Sauro varonga kukuuraya saka tiza, izvi zvakazadzisa rudo rweshamwari neshamwari.

 STAGE 7

Mateu 5 vs 44, Unofanirwa kuda muvengi wako nemoyo wese, usatsiva chakaipa nechakaipa kuzadzisa rudo. 1Sameri 24 vs 3....6, Sauro paakatevera David mubako re Enigedi, David haana kumuuraya paakakotama kuzvibatsira kunyangwe zvazvo varume vaiva naDavid vakati ngatimuuraye, asi chaakaita kucheka mupendero wehanzu yaSauro. Saka usatsiva kuti rudo ruzare.

IYI NDIYO DZIDZISO YANDAFEMERWAWO PAZUVA RANHASI KUTI TIDZIDZE NEZVAYO. Tarisisa kuti hapana stage yauri kujamba here paRUDO rwako semutendi.

🙏🏽🙏🏽🙏🏽📖

Comments