Shiri idzi dzinoyera

 


Shiri idzi dzinoyera

Hungwe inotokumbirirwa kuti ukwanise kuwana matoto ayo ....Matoto ehungwe mushonga mukuru pasi pezuva ..Asi haawanikwe zvekumhanya .

Hungwe inoitira matoto ayo mumvura iMatoto aya ndo ezvimwe zvinosimbisa nekutsigisa zviri pavanhu kuti vasapingwa ..Asi haawanikwe wanikwe .

Panogara hungwe ukaona wapaziva kana kupasvika zvinoreva kuti Unezvigombe zviri pauri unenge une Mudzimu zvoreva kuti unenge uchibudirwa unenge uri murapi ..

Hungwe haisiye matoto pane ivhu inoisa matoto ayo muvhura paya painenge ichiraura hove .Matoto ayo machena chena ndo Matoto ane simba pasi pezuva ndosaka achinetsa kuwana ...Ukanzwa anoti ane matoto ehungwe anofanira kukuudza kuti akamawana sei ?? Nekuti nezvandanyora izvi kune vachatora matoto edzimwe shiri vokutengeserai vachiti ndee hungwe .iwo asiri ... kana mudzimu wako usina kukutendera kuti ushandise matoto iwawo Usazvi netsa nekuma tsvaka ..Nekuti matoto aya mushonga Wemhondoro 

Ukaita zvisizvo pamuzinda we hungwe inogona kukuuraya nekuti inopota ichigarwa nemudzimu bvunzai vayera Hungwe 

Chapungu

Iyi shiri haidonhedze munhenga asi ukaona yadhonedza munhenga pauri kana mberi kwako zvoreva Kuti unenge unedzimu reDzinza kana kuti Uri Mhondoro uye Humambo 

Chapungu chinouraya munhu kana chikatsamwa nekuda kwekuti chinogarwa zvakare nemudzimu 

 Kare dunhu ne dunhu raiva nezvapungu zvaro kana chapungu 

Pamba pane humambo panogara paka tendererwa nechapungu chiri mudenga denga 

Dzimwe nguva chinomira panzvimbo imwe chete chiri mumhepo chakanangana nemusha 

Ukaona chapungu chadonhera mumusha menyu zvoreva kuti menge muchizofa munhu mukuru wemhuri / mambo wedunhu 

Ukaona wanhonga munhenga wechapungu uchengete inhaka hombe yaunenge wapihwa nemudzimu wako 

Chapungu ne hungwe dzinofamba nemudzimu 

Njiva ne hangaiwa dzinofamba nengirozi

Njiva

Ukaona uchirota njiva ne hangaiwa unenge unechipo chekuzo porofita zvezvichidudza nekumiririra ngirozi 

....................................

Panowetera gudo panoyera hapasvikike nyore nekuti panochengetedzwa nerova mbira 

Kuti unochera wet yegudo unenge uri munhu anosvikirwa 

Haingocherwi usina kukumbirira varidzi vegomo iroro 

Nekuti ukaita zvenharo unogona kuurawa nemakudo kana nyoka 

Kana waverenga ita ndizive uye pano tirambe tichidzisa gejo here ? Kana kuti zvakwana 

Tangotii tionesane musazodyirwa mari.muchitengeserwa zvisizvo zvonetsa kuwana izvii

🐒😅

Comments