KUKOSHA KWEMIGOTI



Ndinoona vakadzi vakawanda mazuvano kuda husimbe kana chii varikurarisa migoti isina kusukwa verengai apa

KUKOSHA KWEMIGOTI

 Mugoti unoera zvomene ndoo mumwe wemidziyo yairongedzerwa haranga pakuperekwa.

Vatete kana mbuya kana mai vane mashoko avairevera pamugoti uyu kuti imba yemwana isunge abike sadza rinogudza wetsvimbo asaende kumakwato.

Kana wetsvimbo aramba haranga asina kuipa gupuro paishandiswa mugoti zvekare kuti haranga izvisunungure.

Haranga dzairairwa dzichikura kuti mugoti haurare usina kusukwa nekuti wakaipa akatora sadza rawabika rinenge riri pamugoti aigona kukupunzira imba.

Mugoti ndochimwe chechinhu chisinga kumbidzanwe semutsvairo nekuti mugoti unoumba kana kuparadza imba.

Kana munhu kadzi uchibika sadza rinozodyiwa newetsvimb o wako haufanire kugumira panzira ropedzeswa kumonwa neimwe haranga unenge watotendera kupindirwa mumba mako.

Humwe huyerwa hwemugoti hunoonekwa pakudzorera chipfuva chemwana anenge akurumidza kububudza kana kudzorera mazino anenge abudira pasipo zvaunoudza mugoti ndoo zvaunoita.

Vane zvekuwedzera mowedzera.

Comments