DZEMHUKA DZINOKOSHA PAKURAPA



DZIMWE DZEMHUKA DZINOKOSHA PAKURAPA 

1---MUPURWA 

mupurwa chinokosha pauri mafuta acho. 

Munhu kana achinzwa nzeve tinotora mafuta acho tomadira munzeve yacho.

Mamwe marudzi anodya mupurwa inyama inonaka zvemandiriri. 

2--NYOKA

nyoka yose vhunurwa rayo rinokosha pakurapa ronda risingapore. 

Maronda aya anosanganisira aya enhuta negomarara. 

Munopisa vhunurwa iri then dota racho ndiro rinoiswa paronda. 

Kune nyoka inonzi shato isu zvimwe zvose hatinei nazvo pairi chatinoda as herb mafuta ayo. 

Mafuta aya ukaazora unoita chiremera, kukudzwa nekutyiwa. 

3--GAKANJE

aka kapuka kufamba hako nedivi asi kanokosha pakurapa chirwere cheasthma.

Ini Mupezeni ndinogaro kurudzira kuti iyewe ugare utano hwako hwakanaka. 

Unotora bucket woenda kudziva wosvika uchichera mvura kana waichera unobata gakanje woriisa imomo woenda kumba.

Unopota uchichera cup ye mvura inegakanje uchipa anorwara neasthma. 

Unomupa mvura iyi pese pese paanzwa nyota kwemazuva mana. 

Kana mazuva mana apfuura unodzosera gakanje kudziva. 

4--HOZHWA 

chipuka ichi chinokusemesa kuchiona kana usati waziva kukosha kwacho.

Ukarwara chirwere chinoda kurapwa nehozhwa ndipo paunoona hukoshi

hwehozhwa. 

Hozhwa isina chiimba iya inorapa hernia. 

Iya ine chiimba inorapa kubuda musana/piles. 

Pamapiles unoitora woipwanya pwanya zvese nechiimba chayo. 

Wobva wayanika pazuva kuti zvinyatsooma.....kana zvaoma unokuya kuita powder then mopota muchiisa kumapiles. 

Chiimba chiya kana zvawanda zvitatu kana zvina zvinorapa nyengeresi.

5--BUNYU/DZVINYU 

mabunyu or madzvinyu andinoreva ndeaya anogara mudzimba especially vaya vanedzimba dzemaasbestos vanomaona. 

Chinokosha pachipuka ichi itsvina yacho. 

Tsvina yacho chikwapuro pakurapa tsanga yemuziso. 

Kureva kuti ukaona tsvina yacho chako kuitora wochengeta. 

6--JONGWE 

tose tinoziva jongwe uye rinonaka pakuridya asika rinokosha kupfuura kuriita muriwo wekudyisa sadza nekuberekesa mhambo netseketsa. 

Tine varume vaya vekuti anosupura mkadzi kamwe obva aneta anotogona kuita mazuva mana asina kusupura. 

Kuti dambudziko irori ripere ndinouraya jongwe ndotora mabhora acho maviri aya. 

Mabhora aya anozosanganiswa neumwe mushonga unopiwa murume akaneta pabonde.

7--MOMBE

ukaona waita dambudziko remutsipa uchikurwadza. 

Unoenda kudanga remombe uchaona danda rekuti mombe dzose dzinokwizira mutsipa iwe woenda wokwizirao. 

Unogona kuti zvakare uri kumafuro uchidzifudza paya unoona imwe ichinokwizira mutsipa pachimuti newe wonokwizira kana yabva. 

8--MBONGORO/DHONGI

Kana uine dambudziko remusana unotaimira paya panoumburukwa nedhongi.

Zvino kana wapaona wochinokora ivhu racho wonoisa mumvura inodziya wopota uchinwa mvura yacho imwe uchigeza nayo kwemazuva matatu. 

Unosimba musana zvekuti upenyu hwese uchingonzwa vamwe vachichema nawo. 

Zvino kana urimurume uchida kuti pakusupura ukoire nemazvo unotaimira zvakare paya panosupurana madhongi mkono wacho paunovhomora pasi panorasika mbeu....iwe unoenda wotora mbeu iyoyo neivhu racho kana paine uswa unotora futi. 

Kana wazvitora wonoisa mumvura wopota uchigeza nazvo kwemazuva mana. 

Ipapo uchaona kuti dzimwe mhuka dzakasikwa naMwari dzisingadyiwe pane zvadzakakoshera kupfuura zvaunoziva. 

9--MBUDZI 

chipfuyo ichi chinonyanya kuda kudya mashizha emiti kupfuura bundo. 

Mukudya imomo ndiko kusaka kasingazorware rware nokuti maherbs.

Kana munhu arumwa nenyoka munomhanyira kutora nhoko dzacho moisa mumvura mokurunga nesimba momupa onwa (asi makamirira kumhanya kuchipatara).

Kune vaya vane dambudziko remaacids unotora nhoko dzacho 13 wonwa imwe imwe semapiritsi. 

Munyu unobva panhoko dzacho unorapa goitre. 

10--TSURO

tsuro inonaka chaizvo pakuidya asi ine umwe hukoshi hunopfuura kudya.

Pane tsuro dzemusango kozoti dzepamba asi dzose dzinobatsira. 

Tsuro yemusango inodya futi maherbs anokosha pakurapwa kwemaziso. 

Naizvozvo munotsvaga nhoko dzacho dzetsuro yemusango dziri nhatu. 

Kana madziwana munomedza imwe pazuva kwemazuva matatu. 

Touya patsuro dzepamba idzi dzinoshanda pambereko kuvakadzi vaya varikutadza kubata mimba. 

Tsuro yepamba inechibereko chakapusa nokuti pega pega pawaipa mukonoinobata mawuta. Haiite zviya zvekuti ichadhaura kuva on heat. 

Saka munouraya Tsuro hadzi mobvisa chibereko chacho, ichocho chinovhenganiswa neumwe mushonga wopiwa wodya 

11--RWAIVHI

vazhinji vakaona rwaivhi vanotya asi ndiyo shamwari yakanaka iri harmless.

Kune vaya vane dambudziko remakwakwa or mafuse or skin disease munotora rwaivhi morufambisa paganda zvinobva zvapera. It's a best option kana usina muzhanje wechirungu. 

Kana uine hama inorwara nepfari unotora rwaivhi mumuti worivharira mune hupfu. 

Ruchaita weti netsvina muhupfu then wotora hupfu hwacho wobikisa bota wopa anorwara nepfari uya. 

Asi rwaivhi morudzosera mumuti. 

12--HWAYI

ichi chipfuwo chinokosha chiri holy chine nyama inonaka.

Mafuta ehwayi ndiwo anodiwa pakurapa kunyanya urwere hwaunzwa nekuroyiwa or kutsingwa.

Mafuta aya anoshanda zvakare pakurapa musoro nekutoti kana washanya kunzvimbo yakaipa ukaazora chokwadi vanokukonewa 

13--BVENI/GUDO 

kushata zvaro asi paanogara panonzi paChiro.

Idzi mhuka kana dzakuita weti dzinoitira panzvimbo imwechete kusvika paita chinenge chidombo cheweti. 

Chidombo chiya chinoshanda zvakare kuti varume vafarire bonde. 

Ndiyo imwe inozotengeswa munzira umu kunzi weti yegudo 

Dzakawanda mhuka nezvipuka zvinorapa senge ndove yenzou inoshanda pamasuwo kumukadzi akazvitakura.

Imbwa inoshanda kutaridza pamuviri wemunhu pane cancer. 

Izvo👆ndangoti muverenge mudzidze

Comments

  1. Ko kufura hudyiswa murume kuvengwa vana vake kufadza girl;friend nevana varo Mari yose ikoko

    ReplyDelete

Post a Comment