Chii Chinonzi Kuchengeta Guva ?

 


Kuchengeta guva kugara nguva yakareba kwemunhu ashaikirwa asina kurara nemumwe munhu ingava ari mukadzi /murume or mwana musikana kusvika nyaradzo yemunhu akashaya yaitwa. Semuyenzaniso, murume ashaikirwa nemukadzi hafanire kurara nemunhukazi kusvika nyaradzo yemudzimai wake yaitwa or kurohwa kweguva racho kwaitwa.

Wakarara nemhunu nyaradzo isina kuitwa guva racho rinotsva, chinozi kutsva kuuya kunoita mujuru paguva iriro ichivaka nekugarapo. Patsika dzedu mujuru haife yakauya paguva chero zvadii, kunyangwe makaviga munhu pachuru inorega kuuya paguva.

Guva rinotsva zvekare kana mwana musikana anga asati aziva murume arara nemunhu rume. Hama dzemushakabvu dzakaona kuti guva ratsva, panozoitwa nyaradzo/kurohwa kweguva vanoitsvakiridzo kuvanasikana vemushakabvu kuti vazive kuti ndiani apisa guva. Kana pashaika baba ndivo chikonzero vanogona kubvisiswa mari,huku ,mbudzi or mombe chaiyo zvichienderana nekugarisana zvakanaka kwavo. Kana arimwana anoripswa zvekare nehuku or mbudzi zvichienderana nekunzwisisana kwemabato maviri nemagaririo avo. 

Pane imwe mhuri kuKaroi ku Hurungwe kunonzi kwaChundu ine mudzimai akashaya murume kwakudana nekurara nemununguna wemushakabvu mwedzi usati watopera mushakabvu avigwa. Nyaradzo yakazoitwa muna August guva ranga ratotsva. Hama dzemushakabvu dzakabvunzisisa mwana musikana kuti pane warikufambidzana naye here akati kwete .Kubvunza kwaita masahwira/Tezvara ku mwana musikana yanga iri nzira yekuratidza baba vacho kuti tiri kuziva kuti mukwasha pane zvakaita. Baba vakabvisa US$25 yemhosva. Baba havana kuripisva zvakanyanya sezvo mainini mwana wepamba ipapo asi dai angari mumwe munhu vaigona kubvisa irimombe.

Kusachengeta guva nyaradzo isina kuitwa chiratidzo chekusakoshesa mumwe wako ashaika.(lack of respect).

Guva rinogona kuchengetwa nemwana mukomana,musikana, mainini or babamunini nevakawanda kubva kumativi maviri ashaikirwa, chinokosha ndechekuti ngave arimunhu asati akuita zvebonde, chero mwana ane 7years anogona kuchengeta guva nekuti ari kure nezvebonde uyezve guva aridarike gore risina kuitwa.

Tsika iyi ndakaiona ku Hurungwe KwaChundu.Hameno kuti kwenyu iriko here ?

Comments