KUKOSHA KWEMOMBE YEHUMAI

KUKOSHA KWEMOMBE YEHUMAI 

Mombe yehumai idare rakazvimirira rinofanirwa kukosheswa 

Nhau iyi haife yakagezwa kana kusiiwa nemvura kana kuenda kumakereke woti zvatopera haichabviswa 

Kune vazhinji varikusiya nhau yemombe iyi isina kubviswa nemhaka yokuti vanenge wooti tava kunamata kana kuti tava kuyera Jesu 

Koita vamwe varikuzviti vakaiswa nekugadzikwa zvikwambo nekutsvaga huroyi ,asi huroyi pasina iri mombe yehumai 

Baba vakafa vasina kupedza kuroora vana ndimi munoroora mai wenyu kupedzisa pakasiiwa nababa wenyu 

Makore atoorarama aya nhasi uno hapachina vanobatana kugadzirirsa kan kuripira nhau dzkasiiwa nana baba vasina kupedza kuripira kuti hupenyu hwevana hunake ,zvinova zvnosimudza mhepo

Mombe yehumai inokonzera matambudziko api kana isina kubviswa* 

1. Hurombe kuvana komana hapana chinfamba 

2. Kusaroorwa kwevanasikana ,kunyangwe vakapinda mudzimba havagare zvakanaka ,kushorwa ,munyama ,nekupomerwa nhau dzinoita asvike pakusiya musha 

3.Kushaya mbereko kwevanasikana kwavanenge varorwa 

4.Kurwara rwara kuparadzwa nekufa nyore  nekuda kwekushaya vhumbamiro yembereko ,mbereko ine basa guru kwazvo rekuvhambira vana ,kuramba kubarira pasi ,mbereko inovhika chinenge chatadzwa nedzinza nokuti mutorwa haana dupo newe 

*INOBVISWA SEI* 

MOMBE yehumai inoenda kuna mbuya mai wabereka mai wako 

Kana mbuya vasisipo inopihwa kunyangwe mwana mudiki waunoti mai mumusha maberekwa mbuya iwayo 

Mombe yehumai inoenda nembudzi yemunongedzo haibviswe iri yoga , painobviswa inofanirwa kusumirwa mai watambira mombe yawo vanofanirwa kuirova nemukombe kana kuifura nemvura kuratidza yasvika vaiona

Kana ichinge yabviswa inobviswa iri mhou isati yabereka 

Inotarisirwa kusiiwa yakadaro kana yabviswa kusvika yabereka ,kana yabereka inozoitwa anonzi *madiro* ndipo painouraiwa ,kana yaurayiwa mukwasha anopihwa bandauko rake kududza zvirango zvake zvapera  

Nhasi uno vamwe varikubvisa ari makwati ,kana kubvisa yobva yaurayiwa nokuti vamwe havana kumusha asi zvapere mushe , takuchinyanya Chirungu chacho vadikani . Go back unogadzirisa go go back back ku factor reset chaiko ugoona kuti hazvifambe here ..

Comments

  1. Saka inofanirwa kuva iri mombe isati yambobereka chete here?ini ndirimwanasikana ndirikubvisira baba vangu

    ReplyDelete

Post a Comment