TSUMO

 


Rudo ibofu

Kure kwegava ndokusina mutsubvu

Natsa kwawabva kwaunoenda usiku

Aiva madziva ava mazambuko

Shiri ine muririro wayo haiuregi

Matakadya kare haanyaradzi mwana

Chinono chine ingwe, bere rakadya richifamba

Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro

Imbwa kudya matehwe, hunge yashaya muvhimisi

Ane ganda ane nyama hazvienzani neakabata hwowa

Imbwa inohukura haina ngozi

Nhamo inhamo, amai havaroodzwi

Yatsika dope yanwa

Zvinonyadza mutauri kuti mbudzi yaba nyama iyo imbwa iripo

Kandiro kanoenda kunobva kamwe (kandiro enda, kandiro dzoka)

Imbwa hora haihukuri nhando

Majichimbochimbo anofara musi wafa kondo ziso / Zviururwi zvinofara kana kondo afa ziso

Mbudzi yafura mamera yatorunza

Kugocha kunoda kwaamai, kwemwana kunodzima moto

Chomungozva chinodyiwa nowabata mwana

Kupa kuturika

Kuramba nyama yechidembo hunge uine yetsuro

Tsuro haiponi (haidariki/haipukunyuki) rutsva kaviri

Mombe yenzuma kufuma ivete kufunga chakadya nyanga dzayo



Moyochena wei, tsvimborume kubvisa mwana wemvana madzihwa?

Imbwa hora haifunidzi nhando

Pakukutu hapaurayi

Kurera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma

Charova sei chando chakwidza hamba mumuti? ; Chatonhora sei chando kukwidza kamba mumuti?

Kushaya mano kwaanakamba kwokusekana makwati

Chembere masikati usiku imvana

Zviuya hazviwanani

Chishamiso bere kutamba nembwa

Mapudzi anowira kusina hari; Manhanga anoibva kusina hari.

Idikita razvitirwa

Kure ndokuna amai, kune mukadzi unofa wasvika

Mhosva haizvitongi

Chikomba chinovirima kwacho

Varume varume, kutsva kwendebvu kudzimurana / Varume ndivamwe kutsva kwendebvu vanodzimurana

Ziriwo rechembere ziramba waravira

Chinobhururka chinomhara; Chinobhururuka chinozoguma nokumhara pasi

Nzombe huru yakabva mukurerwa

Ushe hahuzvitongi

Usimbe hwunosakadza

Chiripo chariuraya, zizi harifi nemhepo

Chimene chezizi parafamba ranzi muroyi; Zizi kufamba usiku hanzi muroyi

Gore musandu

Nzambiringwa kumera munyemba zvanzi ndava nyembawo

Uturu hwenyoka hwuri mumuromo mayo

Chinokura chinokotama, musoro wegudo chave chinokoro

Chidziva chakadzikama ndicho chinogara ngwena

Mucheche wenyoka anotizwa neane makona

Rega kurova nyoka ukasiya rumhinda

Ndomene haichemedze

Mvura bvongodzeki ndiyo garani

Mazhanje ari musango asi handi masango ese ane mazhanje

Musikana chihambakwe asvika anokanda chibwe

Sango kuipa kuipa zvaro asi haridyi munhu

Chako ndechawadya chesango mutoro wamambo

Gunguwo rakaramba kumirira museve, rikapona nehwakwumukwaku; Gunguwo rakapona negwakumukwaku

Bembwe rinotsvutsvuridzwa ramuka

Totenda dzamwa mombe dzaswera nebenzi

Rinonyenga rinohwarara, rinomutsa musoro rawana; Chinotsvaka chinokotama chinosimudza musoro chawana

Sango rinopa waneta / Masango anopa waneta

Dzatsva nyemba kuuya dzarungwa

Mukadzi isango rehuni rino tsvakwa naani naani

Kuraira kuuya ndokwomuromo, kweshamhu kwakapa musimbwa

Hombarume haaiti shura nesango

Ndima yabatwa yasundika

Chaza masikati charamba ndima, chaza usiku charamba hope

Mwoyochena unobayisa

Simba rehove riri mumvura

Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi

Chinokura usipo imombe, munda unokura nokuvandurirwa

Kana wodya imbwa, idya hono; Kudya imbwa, idya hono

Kuneta kwomukuyi sadza rinodyiwa navagere

Chafamba chasvava

Pagara murimi pagara mupopoti

Zvine manenji kuti gudo ripunzike mumuti; Zvine manenji dede kuwa mumuti; Zvine manenji kuti mutiro aputsike mumuti

Imbwa mbiri hadzitorerwi nyama

Muroyi munhu kubayiwa anochemawo

Zviro zviedzwa chembere yekwaChivi yakabika mabwe ikanwa muto

Hapana mhou inokumira mhuru isiri yayo

Usaverengere mbeva nemiswe yadzo

Chako ndechako kuseva unosiya muto

Hukwana inodya (gumbo remhashu) ndeiri pana mai

Chembere yoshayika bere rorutsa imvi

Imbwa hairumi muridzi

Kurima mazvuru mana hunge usina chawaona

Munda unotya nzira

Zingizi gonyera pamwe maruva enyika haaperi

Dzvinyu kuzamba (kudzambira) zuva huona bako

Yaruma sei nzara hurudza kurarira hute?

Mai kunatsa muroyi ziso riri pamwana

Kufa kwemurume kubuda ura

Mhosva hairovi

Dindingwe rinofara richakweva rimwe kana rave iro roti mavara azere ‘vhu; Dindingwe rinonaka richakweva iro kana rokwehwa roti, ‘mavara angu azara ivhu’; Dindingwe rinoda kukweva kuri kwaro, kana iro rokwevewa roti mavara aro azara ivhu

Isimba renhuta kukwara munda waisina kurima

Usapedzere tsvimbo kumakunguwo hanga dzichauya; Usapedzera tsvimbo kuna vanamakuwe idzo hanga dzichauya

Badza guru ipa murimi, kuripa simbe inovata naro

Muromo hauzarirwi nerwizi

Atswinya arwa; Ashunya arwa

Muto wetsenza ndiwo mumwe

Rume rimwe harikombi churu

Mvura yembambara inotizwa ichabva kure

Dai yaive mbeu, yaidyarwa kumucheto kwemunda

Ave mauya mauya kufa kwomukadzi kwakanaka

Rukova rwizi kuyambuka unokwinya nguo

Nyadzi dzinokunda rufu

Rufu haruna ndanatsa

Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzematowo

Mukuru mukuru hanga haigari pfunde

Rufu runoita wegondo, rinotora nhiyo richisiya mai vachichema

Mhuno hainwi mvura muromo usina kunwa

Vakafa vakazorora

Imbwa ivete haimutsirwi sadza

Makunun’unu maodzamoyo

Made echakata kutsvukira mumuti kuti ndipotserwe / Manomano eshakata kutsvukira mumuti hunzi ndiposherwe

Marambakukombwa marambamweni

Hapana mukuyu unovinga shiri; Mukuyu haunovinge shiri

Rwizi rungozara ngemadiro

Kutanda imbwa ikandire hona

Pembera wabaya

Imbwa ine hona haihukuri

Mombe yetsiru manhenda waikama

Tenda muchero wadya zvinogadza moyo

Chomukuru hachikumbirwi

Mwana wengwe mwana wengwe kuona chikara haatizi

Ashamba haanokorerwi

Rufu haruwaridzirwi nhoo

Mukadzi munaku kusaba anoroya / Mukadzi mutsvuku kusaroya anoba / Nhenha isibi inoroya

Uswa hwenyati (hwembizi) ndohuri mudumbu, huri pamuromo inofa nahwo

Munongedzo hauzvinongedzi

Pane danga pane mombe, pane hundi pagara hurudza

Zongororo hugonya haro, asi shungu rinadzo; Rwaivhi kufamba zvishoma asi shungu runadzo

Muromo kapako kokuhwanda nako

Zano marayiranwa / Zano vaviri

Totenda maruva tadya chakata

Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma

Kunokanganwa mudyi wenyemba muoreri wemateko haakanganwi

Rufu haruna ishe

Chinokokwa rugare, rufu runozvikoka

Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara; Matsari ndivo anoziva kuti mwana wembewa anorwara

Kune chirema hakuna rufu

Chakata iri pasi ndeyavanhu vose asi iri mumuti ndeyowagona kukwira

Mubayiro wezvivi rufu

Chikomo chiremera chevari kure, vari pedyo vanotamba nacho

Kudada kwavari mugomo kukumbira vari pasi mapfiwa; Kudada kwavari mugomo kukumbira tsvairo vari mungan’a

Chapfuura chapfuura, mvura haiyereri ichikwidza gomo

Chinogova ruoko, muromo haugovi; Muromo haupi chinopa maoko

Gunguwo kuseka zizi iwo muromo waro uchinge dende

Jaha kutizisa mhandara kuona danga

Chikomo shata divi, rimwe ritambire pwere

Manakira kure mvura yemubvumbi

Atandavara aguta apfunya ndowavata nayo

Kukwira gomo hupoterera

Mwana asingachemi anofira mumbereko

Muroyi royera kure ugowana anokuviga; Muroyi royera kure vari pedyo vagokureverera

Chirere mangwana chigozokurerawo

Kuraira benzi, hunyadza muromo wako

Basa mangwanani

N’anga haizvirapi

Mumuromo mumba munogara makatsvairwa

Bere zvarakatya, mapapata aro mangani? Makunguo zvaakatya, akafa mangani?

Kwave kutondomeka kubara kwamazizi

Chakafukidza dzimba matenga

Mbeva zhinji hadzina marise (mashe)

Kuwana ndimbuya

Kupfupire n’anga hurapa

Ishungu dzomutana waswera padare kuramba nemhandire seane meno

Muromo wazivira kudya mavara, kuona chivambo wosekerera

Ndezvameso muromo zvinyarare

Made etsvimborume okudya yakawaridzwa

Chakakodza bere mapfupa ; Chakakodza nguruve mashamba

Muromo chipfuto unopedza matura

Mumuromo momukuru munonhuwa kamwe, mangwana munoreva zvibvira

Mbudzi kudya mufenje hufana nyina / Mbudzi kukwira mufuta kufana rudzi / Mbudzi kudya mufenje hutodza mai nabambo

Kuziva mbuya huudzwa

Chengeta muromo kudya kuri mberi

Manga chena inoparira parere nhema

Gudo kutya zvaro asi haribatirwi mwana

N’anga nyoro inoodza maronda

Vaviri-vaviri wechitatu muzvinaguhwa

Tsuri itsva inozvimbisa muromo

Rufu haruna n’anga

Ura mapako hunozvara mbavha nomuroyi

Takabva neko kumhunga hakuna ipwa

Nhonhongora kudya chayo kukumbirirei uchi kudondi?

Mai musuva usingasehwi mumuto

Mbudzi kuzvarira pavanhu hunzi nditandirwe imbwa

Nhanga rekugwanzi (nzira) ndimandiparira ngozi

Matukirwo ababa kunema mwana

Muroyi haaroyi murume wake

Kuona roro kutsvuka kunze nyamba mukati makadyiwa namakonye

Bveni kuipa zvaro asi haridyi chakafa choga; Kusviba kusviba haro gunguwo haridye chakafa chega

Mhanza chironda inotevera akura

Chembere mukadzi hazvienzani nekurara mugota

Kwave kutondomeka kubara kwamazizi

Vakafumira mangwanani hwiza (ndongwe) dzichakabatwa nechando vakazadza masaga

Muroyi ndishe

Mwana kuberekwa vaviri, mugota hamuchemi kacheche

Gombarume kudze soro, kukudza dumbu wonge wave chana

Usaguta ukasunda dura

Muroyi haana ndagona

Mano mano emuroyi kunyepera kutya dzvinyu, akasungirira nyoka muchiuno

Mwana wenyoka mwana wenyoka haana muduku; Mwana wenyoka inyoka

Nyoka kunyangwe iri duku sei, haingaurawi noruvado rworuoko

(Rega) Kuyera nyoka negavi iyo iripo

Nyoka huru haizvirumi

Pachuru pawakambowana nyoka hapagarotambirwa

Vatakadzidzisa kurunga mbeva, vorunga nemwena yadzo

Avengwa anhuhwa

Ane benzi ndeane rake, kudzana unopururudza

Kuziva benzi hunge waswera naro

Ndiyo hayo nyama yousina imbwa

Akanga nyimo avangarara

Chidembo hachinzwi kunhuhwa kwacho

Benzi bvunza rakanaka

Chidyamatowo akadzipwa neganda remhuru

Mukuru anotumwa, svosve rakatuma nzou; Svosve wakatuma nzou

Zizi kurungwa munyu roti ndava hukuwo

Igaroziva kuti mhanza yembudzi iri mumabvi

Benzi nderatevera njiva, watevera shezhu anodya mazana

Musakurudzira benzi nomupururu

Mviromviro dzemhanza mapfeka

Mazviranga akadzamara akangofa riri benzi

Wamutsa chidembo ndechake

Unodembwa ndewanyengerwa kamwe, wanyengerwa kaviri ibenzi

Unaki hwomukadzi huri pamwana

Kudyirwa munda nembwa sendakarime nyama

Nzou hairemerwi nenyanga dzayo; Nzou hairemerwe nemusinga wayo.

Anorara nembwa anomuka ava nenhata

Gudo guru peta muswe kuti vadiki vakutye

Mbira yakashaya muswe nokutumira

Tiri kuimbwa, tiri kutsuro

Imbwa payadyira haipakanganwi

Chapera chii hwedza ndinhasi usiku hauriri shiri?

Mhembwe rudzi inozvara ina kazhumu (mwana ane kazhumu)

Chitanduro ndechina amai mugoti unopiwa anyerere

Kupemberera gona nerinouraya amai; Kuchingamidza n’anga neinobata amai

Aita twake ndihombarume

Zizi harina nyanga; Kungotya nyanga dzezizi nyamba manhenga

Mwoyochena ndowei bere kugarira munhu akafa?; Mwoyo washe here gudo kuchengeta nyimo?

Machongwe maviri haariri pamutanda mumwe

Akweva sanzu akweva nemashizha aro / Wakweva sanzu wakweva namarara aro

Chaitemura chava kuseva

Pfini yenyoka, kungoruma icho isingadyi

Usiku humwe hauodzi nyemba

Mapudzi anowira kusina hari / Manhanga anoibva kusina hari.

Chidembo hachivhiirwi pane vazhinji ; Dembo harivhiyiwi pane vazhinji

Mbeva haicheri mwena usina mabudiro

Kaseka urema hwokuti kamba haana makwati iko kainawo

Charovedzera-charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba

Chidamoyo hamba yakada makwati

Ndiniwo here ndakati mbira ngaishaye muswe? Ndiniwo here ndakati jedye (dafi) ngariteme muswe?

Chisingaperi chinoshura

Comments

Post a Comment