Mudzimu Wako Ndiro Zambuko Rako

Mudzimu zvitubu zvemvura zvinotushuka paruware.Ndati paya pazvinenge zvakaoma usisina kana pekutangira,midzimu yako inokupa mikana nenzira yekubuda nayo.Vana Sorojena vanoita kuti mvura isinine paruware...vanoita kuti mbesa dzibude paruware,vanoita kuti zvairamba nezuro zviite...vanomutsiridza nekumutsa zvanga zvava kufa....vanoumbiridza dzimba dzanga dzava kudonha uye vachiunganidza pfuma yanga yaparara.

Mudzimu wako ndiro zambuko rako.

Mudzimu unoita kuti mushoriwa akarima parukangabwe  paakarasirirwa akohwe kudarika hurudza dzakarima kuivhu dzuku.

Mudzimu unogadzira madiridziro mugwenga mainzi makatukwa.

Mudzimu inzira dzemusango dzinorondwa neavo vane hwema hwematare.


Mudzimu ndiwo mwenje mukati merima.

Mudzimu itsime risingapwe ratinonwa tese tichigungwa.

Mudzimu itsambakodzi yakatibikira tose tichidya tichiguta.

Mudzimu ibutiro neruzhowa zvinotichengeta tose mudzinza.

Mudzimu ndiro bako redu rekuhwanda.

Mudzimu ndihwo utare hwedu hunotisunganidza pahukama.

Mudzimu ndiwo mudzi ndiwo dzinde nematavi edu tese.

Mudzimu ndiwo masvuuriro ndiko kwazvakatangira.


Dzimu ndiro muvambi mupfumbidzi nemufambi wenzira.

Dzimu ndiro kumuka kuswera nekurara.

Dzimu ndiro mucheri wetsime munwi wemvura nemuchingidziri wayo.

Dzimu ndiro murongi wezano nemutambanudzi waro.

Dzimu ndiro muvambi mupambiri nepakuri wesadza.

Dzimu ndiro nezuro nhasi namangwana nekusingaperi.

Dzimu ndiro mabvazuva maodzanyemba chamhembe nemadokero nekuti kwese ririko.

Dzimu ndiro ivhu redu nekuti zvese zviri muvhu.

Dzimu ndiro mapfupiro mapfumbidza nemapendero emakwara ematare.

Dzimu ndiyo mhodzi yakaraswa nemadzibaba edu ikamerera kuvana.


Dzimu ndiro ziso nzeve nemuromo wako.

Dzimu ndiyo nhovo yako ndiro zuva rako rinokuvhenekera.

Dzimu ndiro muridzi wedare ndiro mutongi,gweta nemuchuchusi.

Dzimu ndiro mupatsanuri wezvirahwe zvinorema nemusununguri wefundo.

Dzimu ndiro zai nhiyo nehuku yacho.

Comments