Shavi reNJUZU/DONHA.

     


 Iri ishavi rakanaka rekumvura rinopotera vanhu pakushava mari, kurapa, kurota nekuchengetedza uyo apoterwa. Kune Njuzu dzeChirume nedzeChikadzi. Njuzu haigari mumvura asi pasi pemvura.   

Shavi iri haridi tsvina, haridi bopoto kana kugumburiswa nhando. Zvino vane shavi iri vanorota zvakanyanya uye vakadzi vacho vane gwezvo yakanyanya. Kana Shavi rezungu kanaredonha riri pauri tinoona nekurota zvinhu zvinoitika, kugara uchirota njuzu yacho, kurota uri kumvura kana kugara uchirota nyoka dzegreen or dzimwe nyoka diki dzinoyevedza asi dzisingakurume. Tinokuona zvakare nekuda kupfeka mabright colours pahembe dzako kozoti manecklaces kana mabracelets kana manglets nekuisa manosering nezvimwe zvinoyevedza zvesirivha kana zvegoridhe.         

Shavi iri rine upfumi hwakanyanya asi rinoda runyararo nehutsanana hwakanyanya. Vanhu vane mashavi aya vanofanirwa kugadzirwa kuti upenyu hwavo hufambe zvakanaka uye kuti shavi iri rikwanise kushava pavari nekuroora kana kuroorwa. Izvi zvinoitwa kupfurikidza nekusuma kumudzimu yako uchiiudza nezvechipo ichi uye kugamuchira nekupembedza shavi iri pamutumbi wako.              

  Njuzu ikange yagadzirirwa dare rayo nemazvo uye negwara zvinhu zvako zvinotanga kutekaira zvakanaka zvekuti unonzwa vava kuti wakaromba. Saka gadzirisai zvinhu zvenyu

Comments

  1. Ko kana wakambotakurwa nechamupupuri chakakusiya Isuzu hr uye unofanira kuitaseyi

    ReplyDelete
  2. Ini ndinero asi handizivi kuti ndigadzira sei

    ReplyDelete
  3. Ini ndoda kutonzwisisa kuti ndinaro here kana andina coz ndinongonzi ndinaro uye kurota ndichitoshambira

    ReplyDelete
  4. Ini ndanzwa nekunzi ndinaro asi ndine nungo chinondishamisa murume dzimwe nguva ndotonzwa kumuvenga, kutonhuwirwa neurume hwake, vana handitodi dzimwe nguva asi ndinavo bit vanotombondibhowa

    ReplyDelete
  5. Ini ndinaro asi handizivi kuti rinogadzirwa sei uye Nani. Help

    ReplyDelete
    Replies
    1. Zvoda anonyatso gonesa kuti shave risakuendesa kumvura but rikubatsire

      Delete
  6. Kokana vanoshandira vaya vakakuti mweya wemumvura uyu unoda kuzorodzwa zvinorevei

    ReplyDelete
  7. Ndatamburawo nemwana wangu handichanzwisisi kuti chinyi tafamba taneta ikozvino awa kungoona nyoka mhenyu pese paaona nyoka anobva atorwara asi otokuudzai kuti ndiendesei kumvura pamunodzoka anobvako awa kufamba ega uyr amoudzwa mumvura imomo zvekuita kuti ringawe shawi renjuzu here rinorwarisa here

    ReplyDelete
    Replies
    1. Makamboita dambudziko rembereko here makabatsirwa ?

      Delete

Post a Comment