Kukumbirira/kusumira kurinyore kupwere mumatare

 

Kukumbirira/kusumira kurinyore kupwere mumatare....

Kusumira kukumbira kupira kusvitsa nhau dzako kutenda kana kukumbira, rufaro kana musodzi kudare remhepo dzinokuchengeta.

Tanga wasuma kuMhondoro dzedunhu, midzimi yavakatanga kugara mudunhu.

Wotaura nemidzimu yedzinza, dare ranatete, vana baba, vanasekuru nanatateguru varimberi.

Wokurukura nemidzimu yembereko yekwaamai.

Wotaura nemidzimu yekwamai vababa.

Wotaura nemidzimu yekwamai vamai. 

Kumachembere, tenda nekukumbira ruregerero kana paine mhaka dzana baba nana sekuru, dzinofanana nepfuma dzisina kubvizwa nekushungurudzwa kwembereko mumusha. Wovimbisa kugadzirisa pakaposhwa.

Wotenda mhepo dzevatumwa(hushavi) dare reMhondoro, vavhimi, varwi vehondo, varapi. 

Wotenda masahwira edzinza, madzviti, manjuzu, vazungu nevausingazive.

Wotenda nekupetera kunaMusiki

Comments