Nyambiro Panyaya Dzenyoka Nguva Ino Yekunaya

Nguva ino yemvura nyoka hadzidi kuti mvura ipinde mumwena madzinogara asi kana dzikaona kuti mvura irikupinda, nyoka dzinotsvaga nzira dzisingapindi mvura dzinosanganisira zvirugu zvehuku, mumba nepanze patinochengera zvinhu.

 Remedy to avoid snake bites:

1) Garai makakura sora mudhuze nemba kuitira kuti zviite nyore kuona kuti pane nyoka or kuona kuti nyoka yambodarika nepo.

2) Garai muchimwaya or kukusha manyowa or nhoko dzembudzi kunoperera chivanze. Nyoka haidi hwema hweweti yembudzi.

3) Torai vana vemuti unonzi mumvee or sausage tree mokacha kacha or kutema tema kuita zvimapiece piece or zvidimbu zvidimbu mokanda kanda kunoperera chivanze. Nyoka inotiza ikanzwa hwema hwemumvee or sausage tree. 

4) Dyarai ruva rinonzi mudzinga nyoka or snake repellent flower. Ruva iroro rinoita tuminzwa tudiki tunobaya uye mashizha egreen nemaruva epink. Ruva iroro harinyanyokura uye haridariki 30cm kuenda mudenga. Kune vasingarizive endai mundotenga or kubvunza waya vanoita zvekutengesa maruva ekudyara pamba.

Ndatenda uye ndinokushuwirai kusarumwa nenyoka. Asi kana marumwa nenyoka itai zvinotevera:👇🏿

1) Sungai nechepamusoro pamusoro penzvimbo yamarumwa kuitira kuti poison isafambe.

2) Gezai parumwa nesipo chero.

3) Tsvagai herb rinonzi muroro (unoita shrub uchibereka mafruits anenge mapine apples zvimascales zvacho uye anoita orange kana aibva) motora midzi yacho. Munopara nerazor blade or chisvo exactly panzvimbo parumwa nenyoka. Kupara ikoko kunoitirwa kubvisa mazino enyoka anodimbukira osarira panzvimbo parumwa nenyoka. Kana muchipara nerazor munotoanzwa mazino acho uye munoona pachibuda tumvura or turopa. Kana mapedza kupara nerazor blade mobva makwizira makwati emidzi wemuroro kuti poison isanyanyozvimbisa parumwa pacho uye kuita kuti poison iite weak. Zvekare unotswanya imwe midzi yemuroro oisa mumvura wonwa kuderedza simba re yenyoka. 

 *OR* 

Munotora midzi or makwati emuti unonzi muhore motswanya tswanya moisa mumvura yamunopa munhu arumwa nenyoka or kutsenga tsenga momedza muto wacho. Munhu iyeye anorutsa poison yese yenyoka plus haazoite weak. Kana mapedza izvozvo movhara parumwa kuti pasaite chando. mozoenda henyu kuchipatara kana muchida. Munhu akarumwa nechirize or chisikanyimo or spider or chinyaride munongoita saizvozvo. 

Ndakambonzwawo vamwe vachiti vanoshandisa mashizha emubanana kukwizira muto or mvura dzinobuda pamubanana panzvimbo parumwa nenyoka or chirize. 

Comments