Bute Shonganyika

Bute Shonganyika

Iri idare rinoitwa nevakadzi vaye vanetseka nekushandiswa vachiitwa vakadzi kuhope.

Kana uri munhu anogara achirota achirara nemurume waunoziva kana wausingazive.Unogona kunge wakaitwa mukadzi wechikwambo,mukadzi wengozi kana kushandiswa nevarume vanoshinhwa nemibobobo.

Unotora chitsama chebute rako rehondo kana rematare asi ini ndinokurudzira rehondo.Tsvaga mhodzi dzako nhatu dzeLemon wodzitswanya.Tsvaga magodo matatu emunyu uye wemagodo.Tsvaga chijira chako chakachena kana Cotton.Sanganisa bute riye nemodzi dzelemon nesalt iya.Isa mukati mechijira chiye kana cotton,wonyika mumvura kana mukaka unodziya asi ndokurudzira mukaka,wobva wapfeka.Unofanirwa kupfeka kwemaawa anodarika matatu

Ndinokurudzira kuti dare iri riitwe manheru wava kurara uye makesure hauna nhumbu usati waita dare iri.Usaite dare iri uchienda kubasa ndapota.Usaite dare iri kana une pfari kana chirwere chemoyo uye kana utano hwako husina kumira zvakanaka.

Dare uri rinogona kukurutsisa,kukupedza simba,kukuchaisa,unogona kutanga kutevera uchingopedza ,unogona kuita kunge watorasa njere kana kudikitira zvakanyanya asi usatye zvako nekuti zvinopera hazvo.

Zvinhu zvakaita sesari nezvimwe zvizvere zvinobata kusikarudzi zvunogona kupedzwa neShonganyika.

Vane maPiles munopfeka kumanyowa ikoko kwenazuva matatu akateedzana ,anopera.

Comments

  1. Dare iri runoitwa kangani kuti izvi zvipere

    ReplyDelete

Post a Comment