Rukweza/Zviyo

 


Rukweza/Zviyo

Munozviziva here kuti rukweza urwu rwunoshanda pamatare ehondo,kana kudzorera zvakaipa,kana kusunungura anorohwa nezvinhu,kana kuchenura makwara,kana kudzora murume anenge atorwa zvake nana Marwei.

Rukweza urwu rwunoshanda zvakare kubvanyangura hurongwa hwese hwakaipa hwaunorongerwa nemuvengi.

Rukweza rwunoshanda zvakare pakusimbisa misha.

Rwunoshanda zvakare kumutsiridza zvipo zvakatsipikwa.

Rwunoshanda zvakare kuona kuti une mudzimu here kana kuti hauna.

Kunyanya kwamuri machembere ukange une rukweza rwako nerusero netswanda nembiya matare mazhinji amunochema edzimba dzenyu munoagadzirisa nerukweza irworwu.

Mashandisirwo anosiyana zvichibvawo nedzinza rako.Kana uchiziva matare acho maite usunungurwe.

Vamwe vanopisa pamarasha vachipopota,vamwe vanodeketera vari paruware,vamwe vanopepeta vachideketerera vari muimba yavo yavanorara,vamwe vanodyara,vamwe vanonyika mumbiya,vamwe vanondorasa zvodyiwa neshiri dzedenga kana huku.

Hongu ndirwo rukweza rumwe chete rwunogadziriswa mamera pozobikwa doro,ndirwo zvakare rwunoiswa pamuchakata kana nekumadziva.Kana une manjuzu zvakakosha kusanganisa nemupunga wechibhoyi.

Rukweza rwakakosha mumatare edu echivanhu.

Comments