Mudzimu

 


Sei vanhu vachirwisa,kuuraya,kutsipika,kupengesa kana kuitira godo uyo anosvikirwa nemudzimu.

1.Mudzimu iSimba,munhu ane mudzimu ndiye anoita mukuru wemusha,ndiye anoita Sabhuku,ndiye zvakare Sadunhu kana Mambo/Ishe.

Kunyangwe akayenda kumarimuka kundotsvaga mushando ndiye anoita mukuru kunyange akapinda muchizarira ndiye anoita mukuru wevasungwa.

Saka munhu wese anodawo kuita mukuru saka matare emudzimu ane kutsikana tsoka.Ko ndiyaniko asingadewo kuyita sachigaro kana kuyitawo Gurukota mazvikokota.

2.Mudzimu idura reupfu hweupenyu uye itsime risingapwe,uyo anenge agarwa nemudzimu anodya chinouya neronga,zvinhu zvake zvinoyendeka zvega saka hapana asingadewo kugarika ndosaka dzimu richibvutidzanwa.

3. Mudzimu unorwira homwe yawo kubva kuhondo uye unochengeta homwe kubva kuhuroyi nematenda epasi sama munhu wese anenge achiti dai zvirikwangu.

4. Mudzimu ndiwo une hushavi hwese hwedzinza saka padzimu pane mari saka hapana asingade mari.Ndiyaniwo asingade kuita millionaire achingopembedzwa kwese kwaayenda.

5. Mudzimu unoda kuomberwa nekukudzwa zvino vakuru vemumusha ndizvo zvavasingade zvekuombera mwana mudiki agarwa nemudzimu,vanenge vachiti dai tirisu.

6. Mudzimu mwenje unovhenekera musha saka vaye vanobata rerima vanotya kufumurwa saka vachizoparura homwe yemudzimu kuti urombwa hwavo nemakona zvibate basa pasina zvimhingamupini.

7. Mudzimu iNharirire inoringa nekuyambira dzinza kubva kune rakaipa.

Mudzimu ndiwo musimboti wemusha saka uchidiwa nemunhu wese.

Zvechokwadi ukapusa vanokugara matunduru vedzinza ava.

Asi dzimu rako rinokurwira kusvika zvanaka

Comments

  1. Am relieved why so many attacks

    ReplyDelete
  2. Very true, it happens.

    ReplyDelete
  3. This is very enlightening. I was wondering why experiencing so many attacks from my relatives.

    ReplyDelete

Post a Comment