Munyama

 


Munyama irombo rakaipa rinoita kuti zvinhu zvako zvisabude zvakanaka sezvaunotarisira.Zvizhinji zvako zvinobondera zvevamwe zvichifamba nyorenyore.

Unozviona sei kuti une munyama.

Kupomerwa mhosva yausina kuita.

Kusemwa nekushorwa pasina chawatadza.

Kuvimbiswa zvisingazadzikiswe.

Kurambwa pasina mhaka.

Kusawana zvinoenderana newe.

Kubirwabirwa nekuvharwa zvinhu zvako.

Kusafamba kwezvinhu zvako.

Chese chaunobata chinopunzika.

Kutoforera basa sevamwe iwe hautorwe.

Kusarurwa nekutarisirwa pasi.

Kusapfimbwa kana kupfimbwa nevarume vasingaenderani newe.

Kurambwa nevakadzi vaunoda.

Kutodyarawo sevamwe dzako mbeu hadzibudi.

Saka munyama unoita kuti zvinhu zvako zvese zvisabuda sekuronga kwawakaita.Unogara uchingoridza tsamwa uchirwadziwa.You feel that emptiness inside yourself.Munyama unoita kuti kunzwe kunge uri chinhu chisina basa pahupenyu nokuti hapana anokuyemurawo.

Munyama kana wakubata kana hama dzako dzinokuvenga,shamwari dzako dzinokupandukira,vayikuda vanokusema,rudo runoita ruvengo mufaro wova kusuwa.

Fambai mugezwe minyama iyo nekuti chero ukabatsirwa sei asi kana une munyama hazvishandi,chero ukatsanya nekunamata sei une munyama hazvinake nekuti unenge uchizora mafuta pamusoro petsvina.

Paunotiwo wagona unongoshorwa.

Paunotiwo wadadisa unongosemwa

Chero ukageza sei hapana anokucheuka.

Chero ukatsvinda sei unoita kunge wazora dhodhi.

Chero ukati utengesewo unoita seuri kutengesa nyoka.

Chero ukazvibata sei hauroorwe.

Chero wakadzidza basa hauriwani ukariwana unowana zvimabasa zvepasi.

Kutoedzawo kuita zvemaoko unobhuroka.

Kutoti ndiite dhiri unoswera wasungwa.

Kutodeedzerwa basa mhiri kwemakungwa rako Visa haribudi.

Kutoroorwawo imba yacho haimiri.

Kutoti regaiwo ndinoromba chikwambo chacho chinodya vana nekupedza hama apa usina kana cent.

Kutoti regaiwo nditambe lotto nekubheja mabhiza nemabhora hauhwinhi.

Kutoti regai ndiindewo mhiri kwakaenda vamwe unoramba uchingotambura.

Une munyama hama yangu tsvaga Sahwira weChivanhu ugezwe zvakasimba kana uri wemasowe enda unodirwa 50 magate.

Zvinhu zvinoitwa nevana vevamwe nyorenyore iwe ukati rega ndiitewo zvinoramba.

Haaa munyama wakashata ende unorwadza.

Munyama unoita kuti zvinhu zvaunowana zvinenge zviri zvishoma pasimba rawaisa(law of diminishing returns)

Munyama unokonzerwa nei.

Munyama nejambwa zvinokonzerwa nezvakawandisa.

Mhepo dzakaipa mumadzinza dzakaita sengozi,zvikwambo,mweya yevakadzi vakafira mumadzinza medu pfuma yavo nezvimwe zvikaranga zvikasafambiswa zvakanaka.

Panana mbuya vakabatwa huyanga nana Sekuru vedu vakafa vane zvigumbu mombe dzavo dzehumai nembudzi dzavo dzemasungiro nemidziyo yavo ikatsakatikira mumisha yedu zvisina tsarukano...izvozvo zvinopa minyama nerushambwa kuvana zvekuti dzimba hadzimiri uye mabasa haamuke.Munyama uyu unowanzogara vanasikana.

Iko kushungurudza mukadzi chaiko muwanano kunopa munyama...ukabva kumba watsamwisa mukadzi sango harivhuri unodzoka ungori maoko chete.

Pane zvekare vashandi vemombe vasina kuripwa mombe dzavo dzavakavimbiswa nemadzisekuru edu vakasvika pakufa vane chigumbu....mweya wake unodzoka uchisunga pfuma nduramo nepundutso kunyanya kuvanakomana mudzinza. Vanakomana vese vanopera kuita marombe.

Mombe yechiredzwa.

Mombe yehumai.

Mudzimu ukasagadziriswa unopa munyama.

Mashavi akasagadziriswa anopa munyama.

Zita....hongu kuramba zita revakuru rawakatumidzwa rikaperekwa nekuombekwa kunopa munyama.

Kusacheuka vabereki...hongu kusacheuka vakakuzvara nevakakurera kunopa munyama.

Iko kugunun'urirwa nemubereki kunyanya amai kunosunga chiraramo.

Hutsinye.....kushungurudza vana vevamwe uchiita hutsinye vachigara vachirwadziwa vachiburitsa misodzi zvinounza munyama.

Kushereketerwa....kune vanokubatira mishonga vachikusimudzira mhepo kuti zvinhu zvako zvisafambe.Wakatoitirwa mhiko kuti iwe hapana chinofamba muhupenyu.

Kurasirirwa mamhepo akaipa edzinza.

Kuberekeswa bvuri.

Kugariswa parukukwe.

Kugadzirwa mari yako yaunenge wapa munhu.

Kutsika parasirirwa.

Kunhonga zvarasirirwa.

Kuberekeswa

Zvakawanda zvinopa munyama.

Unopedzwa sei

Dziriko zvakare nzira dzekubvisa minyama nejambwa dzakaita sekugezwa,kunatira,kupfungaidzwa kana kuteurira neropa rembudzi kana huku chena kana kurasirira.

Imwe minyama munongohakana nayo mukufamba imomu.....muzive kuti kune mhepo dzerima dzinongofamba muchadenga kutsvanga kuvhiringa vana vevanhu.

Zvakanaka kuti kana une munyama ugare uchifamba uchibatsirwa kuti mhepo dzitambire kure newe.Garai muchigezwa jambwa nemunyama nekuti chero ukaenda unodzoka futi kana kutohakirana neimwe.

Usati ukagezwa kahwani wotovarairwa uchiti zvaita.

Imwe minyama inotopera nekuripa zviripwa zvakaita sechiredzwa,mombe yehumai,ngozi...

Imwe minyama inopera nekubika doro,kurova makuva nekutambira mudzimu.

Imwe minyama inopera  nekukumbira ruregerero wawakadzira.

Imwe minyama nekugadzirisa pawakatadza.

Imwe munyama inopera nekuendawo kumusha wondotsika pachivanze uchiona hama.

Kuchivanhu chedu tinoshandisa bute,hupfu,mukaka mumbishi,munyu wemagodo,mazai,mupunga muchena,mazai,madota,mazimba,huku chena,mbudzi chena nezvimwewo zvakadaro kuchenura makwara tichibvisa munyama.

Kune mishonga zvakare yechibhoyi inosanganiswa yatinoti mbanda kugeza kunatira nekupfungaidza pakubvisa munyama.

Iri zumbani ramainatira kudzivirira Corona ndorimwe rinobvisa munyama iroriye.

Comments

  1. Manyora zvakawanda. You exhausted the topic. Maza chokwadi

    ReplyDelete

Post a Comment