Bute/Bikiro/Mafembo/Fodya.

 


Bute/Bikiro/Mafembo/Fodya.

Apa ndipo panotangira matare eDzimbabwe.

Bute ifodya inoputwa mumhino.

Bute rinogara munhekwe kana kuti kasha.

Bute rinosumwa kuvaridzi risati rashandiswa nehomwe.

Bute rinoiswa muruoko rweruboshwe richiputwa neruoko rwerudyi.

Bute harifanirwe kupindwa nemhepo kana mvura.

Kushanda kweBute.

Bute rinosimudza mhepo kubva kuNyikadzimu kuti dzisvike pavapenyu dzinzwe ririkuda kuturwa.Saka ziva kuti pese paunoputa bute uri kusumudza Nyikadzimu kuti risvike pauri.Zvimwe chete nepaunoisa bute pasi,unenge wava kupawo vari pasi kuti vaputewo vachinzwa rauri kuvasuma.

Kupira.

Bute rinodiwa pese panoitwa bira ringave remudzimu,remahombarume,remanjuzu,remajukwa,remukwerera/mutoro,kurova makuva kana dare redongamambwe.

Pese apa panodiwa bute kuti vari pasi vamuke vauye vabatirane nesu.

Kupfupira.

Bute rinodiwa pakupfupira kwese zvako,kungava kupfupira masango anoyera,makomo anoyera kana madziva anoyera,bute rinodiwa kuisa pasi kuti varidzi venzvimbo vanzwewo ramunosuma.

Mapereko kana Mapfumbidza

Bute rinodiwa zvakare apo tinopereka kana kutumidza zita ravaSekuru paBhuru remusha.Iri idare hombe rinoitwa pabira guru remumusha.

Bute rinodiwq zvakare apo munopembedza mudzimu kana shavi apo rinenge rauya rikapfumbidza nzira.Iri idare rinoitwa apo mudzimu kana shavi  rinenge rauya rikatanga kutekaira pamutumbi.

Maroora

Hongu panoroorwa kana kuperekwa mwanasikana panodiwa bute kuti midzimu yenyu iperekedze mwana kudzinza idzww kwaava kuenda.Uyezve panouya muroora mumusha panoiswa bute pasi muchimutambira iye nezvakanaka zvaanouya nazvo mudzinza asi muchiramba mhepo dzakaipa dzaangauya akasenga.

Pamuhacha panoda fodya zvakare.

Comments

  1. Unoitasei kana uchireverera

    ReplyDelete
  2. Bute ndinori puta sei mafemero andinoita ndinozivasei ndiri kuputa kwazvo

    ReplyDelete

Post a Comment