SHAVI REKUVHIMA


 SHAVI REKUVHIMA.

Shavi iMhepo yatisina dzinza nayo yakauya kuzopotera kumadzinza edu kuti itibatsire pamabasa edu atinobata pamwe nekuchengetedza musha.Mashavi aya akauya nehunyanzwi hwakasiyana.Mamwe mashavi anorapa mamwe ndeehondo,mamwe neehumhizha mamwewo ndeekuvhima.                       

Shavi rekuvhima ishavi raHombarume/Hombakadzi rakakokwa nemudzimu kuti riuye kuzobatsira vana nezvipo zvekupinda mumasango vachivhima mhuka uye kumadziva kunoraura hove.Munhu ane shavi rekuvhima akapinda musango kashoma kuti adzoke asina chaakabata.

Zvino nhasi masango ekuvhima mhuka akapera nemhuka dzacho dzava shoma kunyangwe vachiriko vamwe vachiri kuvhima mhuka.

Nhasi vana  vakapotera muzvidhuna (towns and cities)mavava kushava hukwati kana kuti mari. Shavi iri nhasi rinoita basa rekutsvaga mari uye ndiro rakatanga kusvika pamudzimu magaradziva asati asvika.Shavi rekuvhima rinoita kuti basa rako remaoko riendeke zviri nyore,rinoita kuti mikana ivhurike.

Vanhu vane Shavi iri havagari pasi uye vakangwarira panyaya dzekutsvaga mari(maHustlers). Hombarume haana zvibinge zvakawanda mumatare uye haana nguva yekusuma, anytime unotaura naro uye rinoterera zvawariudza.

Hombarume ndivo muridzi weRetso uye anosunga hochekoche pakati pemudzimu negaradziva. Asi Shavi iri rinoda ngwanda dzaro dzakakwana uye rinoda kutendwa without failure.Kana une shavi iri ziva kuti ndiwe muridzi we mabusiness nemadhiri emari.!!!!

Shavi rekuvhima rinoda imwe yemidziyo yakaita sebakatwa,uta nemuseve,gano,pfumo,tsvimbo,pfuti,nhovo,dehwe,machira zvuma nengundu,panodiwa zvakare ndiro yemuti.

 Vanhu vane mashavi ekuvhima zvavo zvinouya neronga nekuti vane simba redandemutande(connections). Mhepo iyi kazhinji inoda kuti uve nemushando wako wega kwete kushandira mumwe. Ukashandira mumwe munhu unomupfumisa nekuti business rake rinofamba nekuda kwako.

Shavi rekuvhima rinowanikwa kwese kuvarume nevakadzi asi rakawandira kuvarume.

Kugona shavi rekuvhima kuripembedza chete....unoona richimisa zenze kuita manyukunyuku chaiwo.Rinopembedzwa nebute nemasvusvu kana doro pasi pemuchakata kana imwe miti inoitirwa matare.

Kune bira zvakare rinoitwa rekupembedza mashavi pakuvhima kwavanenge vaita.

Ngatigadzirisei mashavi edu tishandewo zvinobatika sedzimwe pwere.

Comments

  1. Thanks ndisaziwa asi ndaingoti pandafamba Une Shaba rekuvhoma

    ReplyDelete
  2. Mubvunzo - kana uyine shavi rehuvhimi rinogona kuvhiringa ma relationships nevakomana vaunenge uchifambidzana navo here?

    ReplyDelete

Post a Comment