(Njuzu) Chembere neHarahwa Dzekumvura

Njuzu iMhepo inopotera pavapenyu seshavi.Shavi iri rinogara pasi pemvura?

Njuzu dzine adzo matare nemabatirwo awo.

Chembere neHarahwa Dzekumvura

Tine Machembere neHarahwa dzekumvura avo vanonzi nevamwe Njuzu dzeChidhaka kana kuti dzeDope.Idzi iNjuzu dzinosvika dzichipanda matare panosvika mudzimu wemumusha kana pabira chaipo nekuti dzinofamba nemudzimu wemumusha.

Njuzu idzi dzine simba rakanyanyisa uye ndidzo dzine matare ehurapi akawanda.

Njuzu idzi iMhepo dzakafanana nemudzimu asi chete kuti idzo hadzina dzinza nesu uye dzinogara pane nhevedzwa dzemvura.Kana ndichiti iMhepo ndinoreva kuti mweya wakasikwa naMusikavanhu ukabvumirwa kupotera kuvapenyu.

Njuzu idzi dzinowanzopotera pane munhu ane mudzimu dzichizobata matare adzo akasiyanasiyana.Kazhinji vanopfeka mafuko avo akada kungofanana neemudzimu (poly cotton).Vanoputa bute uye vanoshandisa zviyo nezvimwe zvechivanhu.

Vanotaura mutauro unotaurwa nehomwe yavanenge vagere.Vanoita zvikaranga zvese zvinoitwa pamusoro pevhu asi matare avo anoperera kumvura.Dzinowanzowanikwa pamadziva akadzika pane tsanga kana nhokwe kana mahapa uye pane runyararo.

Dzine huyera hwakanyanya uye hadzidi kutanyangirwa kana kusvibisirwa matare adzo.Njuzu idzi  dzinotevera ropa sezvinongoitawo mudzimu uye ngazhinji dzinofamba nemachembere (mudzimu waAmbuya)

Njuzu idzi hadzide tsvina dzakafanana nechihurehure nezvimwe zvatinoona zviri kuitwa nana maNjuzu vanhasi.Dzinouya nezvipo zvakawanda kuvapenyu.Homwe yavo inofanirwa kugara yakachena nguva dzose ichitevedzera miko nemirairo yainenge yapihwa.

Iyi njuzu ndiyo inopa huyera hwemadziva,matsime kana zvitubu nezvinyuka nezvisipiti kuti zvisapwe nekuti pese paine iri panogara pane mvura.Ndiyo njuzu iya zvakare isingade imwe midziyo inoshandiswa painenge igere kuchera mvura.Iyi njuzu zvakare haidi zvinonhuwira sezvinoita mazungu.

Njuzu iyi inokandidzana nhanho nemudzimu.Kana makambonzwa kuti kune madziva kunonzwika kuchiridzwa ngoma nehosho uye kuchitswiwa ndiwo madziva ane Machembere ekumvura.

Njuzu idzi dzinopa homwe yadzo zvipo zvakasiyana zvakaita sekurapa,kuruka mabhasikiti,kuimba,kuridza ngoma nekutamba.

Nhasi nekusanduka kwaita nyika mumwe nemumwe anenge ahipihwa zvipo zvake kuti abudirire pane zvese zvaanoita



Zungu

Mazungu imhepo yemunhu akamborarama akazofa anozomuka seshavi achipotera kuvapenyu.Idzi ndidzo njuzu dziye dzamunonzwa zvichinzi padziva iri panga pakayanikwa micheka.

Idzi injuzu dzinobva kumarudzi akasiyana uye ikagara pauri inouya ichitaura chirudzi chayo nezita rayo.

Iri shavi rinouya nezviito zvaro zvarayiita panguva yaro yekurarama.

Iri shavi ndiro rinopfeka micheka inopenya(satin/silk) uye ndivo vanoda zvinonaka(wines,sweets,biscuits etc)ndivo zvakare vanopfupirwa nemukaka nemupunga muchena nemazai.

Ndivo vana mayerera vemachira anopenya vazungu vakauya nendarama,vekufamba nezvitungagore vachigara mumahotera kumahombekombe kwegungwa.

Mashavi enjuzu anoda kutanga aongororwa asati atambirwa since tati rinouya nemabasa aro arayiita makarekare zvichireva kuti kana aiva businesswoman newewo uchaita businesswoman,kana raigara mhiri kwemakungwa that is your destination as well asiwo kana raiva hure newewo uchaita hure.Kana raiva risina murume newewo hauite murume.

Saka tichiti tangai matungamidza mudzimu mberi kuti mutambidzwe mashavi akanaka .

Ndosaka ndichiti zvakare fambirai chivanhu chenyu mushonongorwe muchenurwe mutambire zvipo zvakanaka chete zvisingazokunetsai mangwana.

Comments

Post a Comment