Mudzimai Wepamba vs Small House

SMALL HOUSE vs WIFE.

Kufananidza mukadzi wemumba nesmall house kwakafanana nekufananidza musha wako nehotel.

Kuhotel hakuendwe usina mari zvikanobuda. Same nekusmall house. But kumba kwako is your refugee whether waka broker or une mari. Same nemukadzi wemumba anokugamuchira chero uri rovha.

Kuhotel hapana paunogarako kwemakore unoenda kana waita twumari woswinyiwa kuti unoda kumbo spenda zvako. Same nekusmall house. Asi pamba pako ndepako.

Kuhotel mubhedha waunono rara unorarwa nevakawanda. Munochinjana. Before wapinda iwe pane anenge atorimo. Paunobvawo kune anosarawo achipinda. Same nesmall house haidanani nemurume 1. Munochinjana makawanda uchingo dhidha mabudawo vamwe imomo.

Kumba kwako bedroom rako nderako hauchinjani neumwe chero ukaita 6months usipo zvawakasiya zviri unosvika zvakakumirira. Same nemukadzi wako kunze kwekuti ave pfambi.

Vanhu vanonzi small house ava ishasha pacustomer care sezvinongoitwa nemahotera. Why? Vanoda ubuditse mari wakafara. Saka care yese iyi ndeye kuteya mari iri muhomwe mako not kuti rudo newe.. Varume vazhinji vanoona sekuti small house inogona chose kudarika mukadzi wekumba. Asi ukazvifungisisa uchaona kuti small house uyu kusiiwa neakamuitisa mwana inhau yekuti akaonekwa semunhu asingagarikike naye Asi nekuda kwekuti ave kuda kuraramisa vana vake naiye. Anozama chose kukubata pfungwa nekuzviita nyanzvi. Asi dai iri nyanzvi aidai aine wake murume.

Varume vazhinji nekupusa vanoguma vakuchengeta vana vakasiiwa neumwe murume vake vachishaiwa zvinokwana kumba. Kazhinji vana vesmall house vanodya, kupfeka nekuenda kuzvikoro zvemberi kudarika zvavana vevarume vanomupa mari. Nekuti akabatanidza mari dzaanopihwa nevarume ava inowanda kudarika dzavo.

Chisingazivikanwe nevarume vanoita izvi ndechekuti. Wako mukadzi waunoti haite uye anokundwa nesmall house kunaka. Mukadzi wako iyeye akaitawo small house yeumwe murume anotonzi anonaka kudarika mukadzi wefuza yemurume iyoyo inenge iwe.

Masmall house mazhinji ane dzimba nemidziyo inokosha kudarika yevarume vanomupa mari. Kureva kuti varume vanoita masmall house hurombe hwega hwunenge hwakubata. Asi nekuda kwekuti hauna njere unoona sekuti uri kuita zvine musoro. Chaunobva nacho kusmall house chii.? Hapana.! Paunobva kusmall house unosara nei.? Nothing.! Saka hauoni kuti ari kupera ndiwe?

Hotel inowana mari dzekutenga zvekubika zvinodhura kubva pamari dzevanouyapo. Same nesmall house.

Wako mukadzi haazvigone nekuti anowana mari kunewe chete and inouya yashota imwe yaenda kusmall house. Pamwe pacho ndiwe unonotenga grocery racho.

Saka ukaona uchipembedza hotera kudarika musha wako its evidence of your failure. If you are ashamed of your wife, you must be ashamed of yourself. Because your home is your assignment. It is your duty to turn your home into a hotel yaunopembedza iyoyo. Kushora musha wako kuzvishora iwe. Kushora mukadzi wako kuzvishora iwe nekuti vanhu vachimuona vanoti mukadzi waJosphat iwe. Saka instead yekupembedza small house work on your wife. Mari yauri kuendesa kuhotel iyi ukaishandisa kutenga zvinovaka musha wako uchagadzira nhaka. Mari yaunopa small house ukapa mukadzi wako. Uchagadzira mukadzi waunoshuwira anofadza moyo wako.

Ndapedza nemi vana baba,

Musazoti  vanoraira hakuna.murisei Ana mhamha nhasi..

Comments