Sahwira



Shoko rokuti sahwira (family-recognized best friend) rinoreva shamwari yepedyo-pedyo yepamoyo yaunokurukura nayo zvakadzika-dzika zvoupenyu hwako. iyi ishamwari inozivikanwa kumhuri kuti ndiyo shamwari yepedyo.

Mabasa aSahwira

Sahwira ndiye anodanwa kuzopinda muguva newe musi wekunzi wafa uye ndiye waunodana kuzopinda muguva nemwana wako musi wekunzi mwana afa.

Sahwira munhu wokuti anoita mutamba-pakati kana paine zvanetsa mumusha kuti ave anoyananisa. Musi wokuti wanetsana nemwana kana numudzimai zvokutadza: kuwirirana; kunzwanana kana kudzorana, sahirwa anokwanisa kuudzwa kuti auye aenzanise nokuyananisa.

Sahwira anokwanisa zvakare kushanda semupi weamazano nokuti ishamwari yepamoyo.

Sahwira anokwanisazve kudanwa kuzobata basa rokuva munyayi pakuroora kwemanakomana wako.

Muimbi Oliver Mtukudzi akaimba rwiyo rwunoti zvamunoona husahwira hunokunda hukama.

Mitauro yeBantu

VaYao vanoti mbilo (n. a friend who performs burial rites) vachireva sahwira.

VaLomwe vanoti saweera, sawiira kana yaweera (n. duty).

Comments