Roora



Roora (rovora muchiKaranga) muripo unobviswa nomunhurume kana achinge ave kuda kugara nomunhukadzi. Roora izwi rinoshandiswa zvikuru muchiZezuru. Rinowanikwawo mumarudzi mazhinji echiShona akaita sechiKaranga (rovora) kana chiManyika. Roora rine zvikamu zvakawanda zvinosanganisira Makandinzwanani, Matekenyandebvu, Kunonga, Kupinda mumusha uye Rusambo. Pane zvimwe zvakawanda zvinobviswa zvichienda nekuti vanhu ndeverudzi rwupi. Roora ndiyo nzira yaVaShona yekubatanidza mhuri mbiri zviri pamutemo kupfurikidza newanano. Roora inzira yevakuwasha yokutenda nayo madzitezvara avo nekuvaberekera mudzimai. VaShona vanoti ukama igasva hwunozadzikiswa nekudya naizvozvo hukama pakati pemhuri mbiri idzi hunototangwa nekudya pamwe chete. Semuenzaniso, kana iri mhuri yekwaChinyati yanoroora kwaChinyuku, inotarirwa kutakura zvidyiwa zvakasiyana siyana nezvimwewo zvekuti mhuri yekwaChinyuku igosara ichishandisa. Madzitezvara anosanotumira vakuwasha rugwaro rwunotaridza mhando yezvitakurwa (groceries) izvi. Muenzaniso wezvitakurwa unosanganisira chingwa, munyu, tsvigiri, sipo, masamba, nyama, zvinwiwa, mukaka nezvimwewo. Mhuri mbiri idzi dzinoungana pamabiko, uri mutambo wekuroodza mwanasikana.

Mazuvano, nekuda kwehudyire, zvakuonekwa sekunge roora kana kuti mari dzinobviswa nemukoma ada musikana semari yekutanga mabhindauko kana kuti dzemabhisimisi. Vabereki vazhinji vava kuda kupfuma pakubvisirwa roora pane kuti pange pachivakwa ukama. Hazvitarisirwe pararamo yedu kuti zvinge zvakadai asi kuti roora riwanikwe riri chikamu chekuvaka hukama pane vadanana. By tawedzerwa MBEDZI

LIST OF ROORA

A. Zvidoko/Zvibinge

1. Ndiro

2. Makandinzwanani

3. Vhuramuromo

4. Kunonga

5. Kupinda mumusha

6. Hwanyamusha/ Pwanyaruzhohwa [dhameji]

7. Matekenyandebvu,

8. Zviripwaripwa.

B. Zvamai 1. mafukidza dumbu 2. mombe yeumai. 3. zvipfeko zvamai

C. Rusambo/Rugaba/Matsvagirano

D. Danga 1. Dzinotsika 2. Dzinobhadharwa nemari

C. Majasi 1. Zvipfeko zvamazuvano, gumbeze, nezvimwe.

Maitiro enharaunda dzakasiyana-siyana panyaya dzeroora

Kune dzimwe nzvimbo, kune zvimwe zvirango zvinobviswa mushure meroora rataurwa pamusoro apo. Kune mombe yechimanda , yaiurawa kuti idyiwe vanhu vachipemberera kuti mukunda abata pamuviri. Mazuvano vabereki vazhinji vava kungotema mombe yechimanda pamwe chete neroora.

Kunoitawo kamwe kamari kanoripwa kana mukuwasha ari kuda kukumbira mvumo yokuita muchato; iyi imari diki.

Nzira dzekuroora

Shoko rokuti kutizira (Elope kuChiRungu) rinotaura apo mwanasikana anotiza pamusha pevabereki achienda kumurume asina kumuroora pamberi pevabereki vake. Kazhinji musikana anotizira anenge abata pamuviri pasina roora rakaripwa. Kana zvadayi vaviri ava vanonzi vakatizisana kana kuti mukomana akatizisa kana kutizirwa zvichibva pakuti ndiyani akavamba mhaka yacho. Vamwe vanoti kutizisa mukumbo. izvi zvinowanzoitwa panguva dzousiku apo musikana anotiza mumba oenda kwomukomana. Mune chivanhu chedu, atete vemusikana vanenge vachiziva kwaenda muzukuru wavo izvo variwo vanenge vachiziva mukomana womuzukuru wavo.

Kukupura (send wife back to her family in a failed marriage) apa kureva kupa mukadzi gupuro rinoti ndakuramba chidzokera kumusha kwako.

Chikomba (bride groom, suitor, boyfriend).

Mitauro yeBantu

VaNyungwe vanoti kulowola (v. marry) kureva kuroora. VaDigo vanoti rora (v. marry) kureva kuroora.

VaDigo neVaSwahili vanoti kuposa (to ask a woman's parents for permission to marry) zvichireva kukumbira vabereki vemukadzi bvumo yekuroora.

VaKagulu vanoti kutola (v. to marry) vachireva kuroora. VaDakama vanoti mkwano (n. bride price) kureva roora.

VaWanga vanoti okhulobola (elect; choose; appoint; select) kureva kushara. VaFwe vanoti ku-robora vachireva kuroora.

Comments