Chii chinonzi rudo ?



Ko nhai chii chinonzi rudo?
Kamhuka here kana kuti munhu,
mweya here kana kuti manzwira?
Hamawe-e nyatsondinyeurirai

Munoreva here kuti rudo kuda,
kuda neakakuvenga.
Kana kuti kusadzorera,
paunoitemwa ganyamuto inodzipura neganda.

Nyatsotsanangurai kani vadikani.
Muneshuwa here kuti rudo,kutsungirira.
Kutsungirira nepaanoshushwa mwana wevanhu.
Kuramba akagonya,nepaanochiunzirwa, chati kuurayisa vana vevanhu ,
kuri kugarira vana.

Nyatsobudai pachena kani vakuruwe-e !
Mareva here kuti rudo kuva nemurefu moyo,
Hezvo mutema zvose nomuchena hapana kana musiyano.
moyo wakareba zvisingagumi.
Mati imi kuva nehanya, hanya nedzisingasaruri ani zvake.

Nyatsodonongorai kani, ko kudimikira ndekwei?
Mati imi rudo kuda, kuda neasingakudi.
Zvoreva kuti ndopa rwangu rudo neanoruputsira pasi,
kurubvarura-bvarura kuita kanyama.
Ndizvo here kuti ndoda neanotamba newangu moyo.
Aiwa kani ko kurova makaviga mupini ndokunei?

Hezvo motokohomekedza nhasi moti,
rudo kuda neakakurasisa kukusiya wega,
ndiye sone-e neivo vezviuno zvego.
Napamusana porudo nhasi monditi gamuchira,
gamuchira namaviri kunyamwe angove mapfupa ozvifambira.
Nyatsojekesai kani vakuruwe-e,
hamuoni here kuti ndichiri chadzimira?


Robert.T.Nyamushosho

Comments