Mhando Dzevakadzi Ne Mari


Kune mhando dzevakadzi dzakati wandei, panoti 

Zim dollar - ava vakadzi vakavimbika uye vasingadi nevarume vavo, they are very supportive.

Bearer cheque - apa pane nyaya, unogona kubva kubasa ukawana aenda zvake, atoExpire, hapana zviripo.

US-Dollar - uyu haabve pamurume zvekumhanya, asi shanje, shanje kani, asi uuuum inhamo zvayo.

Bond-coin - apa ndopane nyaya, vanochengeta asi value yavo ndeyefake, ukasanyatsoona unoti wawana mukadzi asi hapana hapana.

Bond-note - haaaaa uyu mukadzi ane zvivindi, haadiwe asi anotouya chete. Kuvhundutsira pamusha, 
haatye kana munhu. Anotuka varidzi vepamba iye asati ambogarapo. Nembwa dzinotomuziva asati asvika.     

Ecocash - uyu anoshandisa mari kusvika yapera pasina chinemusoro chatengwa pamba.    

Comments