Gumbo Totem



Gumbo Madyirapazhe
Mazvita Gumbo
Maita zvenyu Madyirapazhe
Shava huru yaka pamba Gona Gara ramasango
Chipauro chamafuta Chikodza mhandara
Godza muto mhuru inobva Gona
Vezheve tsuku
VeRufura Mushukuru we Gona
Vane chitanga chisisazari ngombe
Chinotozara musi wezvita
Maita vari Masakadya
Maita vari Njaidza
Vari mhiri kwaNyazvidzi
Vari Hwiri
Vari Zvomutumbwe
Vari Raubwi
Vari Muharu huru
Vari chikomo chaMabwazhe, Chisema, Sambiri
Chikara chapazhemwongo
Chifambanamana
Chifuramakuru Mazondo tinodya
Maita vari Svikire
Maita vari Maturi
Vari Chivende
Vari Hubvumwe
Chipatsamakuru Godzamuto
Shava yangu iyi
Chitanga Chikanyamatope
Maita vari mupfukudza kunodyiwa boora nemuchirimo
Vari Chikakatanwa
Vari Boromoka
Vari Mandira
Ganyamatope, hekani Madyirapazhe
Kuti vane zhara vaponewo
Hekani Musipa mareranherera
Matsikapasi kuzorora kuvata
Hekani Gutu
Hekani weGona Ndisengei, senganhundwa
Sengamusoro pane romo neziso
Hekani Mhandamakanga Matakuradumbu
Matangakumwa muviri une nyota
Matsikapachena nepane rima
Vatambi vomuganyiro
Bumazvirema, hekanhi Masengedzwa
Teveratsimba mustvairo wezhira
Hekani Murendo Mushayachirashwa
Mafuta tinozora
Runyanga igonangombe
Gumbo mubhadha
Dovo tinowadza
Nyama tinodya, mukaka tinomwa
Muswe inhawo, ndove inodzura mumba
Zvaitwa Chitova, mushukuru we Gonangombe
Aiwa zvaitwa Gumbo, Chinemukukutu maKorekore

Comments

Post a Comment