Nungu Totem


WaMambo/Chikandamina/Maposa
Maita Nungu yangu yiyi
Maita mukuwasha waMambo
Hekani Maposa
Chirashamihwa
Masvingo aGovere
Maita Chikandamina
Weshanu uri pauta
Maita variChiringurira
Manjekechera, vari Gokomere
Chizuza change chichi
Maita Nungu, Hananda, Zvimbovora Maita vaRusvingo naMazambara
Vakafura dombo nomuseve rikabuda ropa VaMupumbuvoko pachirimo Rave zhizha vofura shangwa
Vakadzidzisa vanhu kutunga timbwa
Vokutora mapadza evanhu
Vachindoise mugomo Vachibata wanika yangova mihwa yoga
Nungu yangu yiyi Mushayashirashwa
Minungu ndeye Ngara
Nyama usavi hwevamwe. Dehwe richiseveswazve
Maita variGovere, Masvingo angu
Zimwaya, Zimuto wangu,madya umire,
,yuyu Maita Nungu yangu yiyi

Comments

Post a Comment