NGANO : Zizi ishe weshiri


Makare-kare pasi pachakarohwa nenyundo, nzizi dzichayerera dzichikwira makomo, munyika yaMusikashiri, zitateguru reshiri, shiri dzaiva nashe wadzo ainzi anenyanga.

Shiri dzose, huru neduku, dzaitya mambo wadzo, Zizi. Iro raiwanza kuvhundutsira dzimwe shiri, richiti, “Kana mukasanditeerera ndinokutungai nenyanga dzangu.” Saka shiri dzose dzakanyanya kutya kunzi gebu.

Upenyu washe waive mutambarakede, basa rake raingova rokugara bedzi. Chokudya chashe chaitsvakwa nedzimwe shiri. Dzaiita madzoro kundoshava kuti ishe arege kushaiwa chokudya. Majana aitwa neshiri hombe, kutanga achibva kuvakuru, ndokuti vanamhou navanamatendera, kusvikira marudzi makuru ose aringana kuita basa iri. Kana dzapera dzose, dzokutanga dzotanga zve.

Basa reshiri duku dzose raiva rokushara inda mumusoro mashe. Misi yose dzakaita madzoro okushara inda. Jana renhengure ndokusvika. Yakati ichitsvaka inda, ishe wakakotsira nokuti ishe iyeyu wanga asingatani kuvata. Nhengure ichiona kuti ishe akotsira, yakatsvaka inda pedyo nenyanga dzake. Yakanga ichida kuona nyanga dzashe kuti dzakadini. She avata, somwana mucheche, nhengure wakabata nyanga dzimene ndokuona kuti hapana nyanga asi nzeve huru dzoga. She achizosvinura, nhengure yakanzi, “Chienda hako nokuti wapedza zuva rako.” Iyo ndokuisa mumoyo mayo zvose zvayaona.

Nhengure ichizopiwa zve dzoro rayo pabasa iri, yakaramba. Zizi richiona izvi, rakatsamwa ndokutsvaka kuitunga. Nhengure ikatsamwirana nazizi, ichiti, “Wanguva watinyengera, uchiti une nyanga, uchitityityidzira namazinzeve ako makuru.” Ikatanga kuruma zizi. Dzimwe shiri dzose dzakaona kuti dzaingonyeperwa nazizi. Dzakaritsamwira zvikuru, ndokutanga kuriruma dzichiridzinganisa. Nanhasi shiri dzose hadzidi kuona zizi. Kana dzariona, naro kuriruma. Saka zvino rongofamba usiku richitya kurumwa neshiri. Zvikuru nhengure inonyanya kuvenga zizi.

Veduwe! Rina manyanga hariputirwe mumushunje. Ndipo paperera sarungano.

Comments