NGANO : Vakomana Vana


Makare-kare pasi pachakarohwa nenyundo, mazizi achinenyanga, munyika yaSebakwe maiva neimwe mhuri yevachena yaiva nedambudziko rembereko.
Rimwe gore mukadzi wakapanga mazai zvikuru-kuru. Kunyangwe zvavo vakanga vasina huku mumba mavo murume akafara achiti zvimwe mudzimai ava nepamuviri. Saka rimwe zuva murume wakaenda mudondo kundotsvaka mazai. Ndokusvika mujinga megomo ndokuona ruwa rwamazai muzasi medombo. Akaatora, ndokuinda nawo ndokundopa mukadzi wake. Iye ndokubika ndokudya, akaada zvikuru, nhomba haina kupera.

Murume haana kuziva kuti mazai eyi aaitora, asi wakaramba achindoatora zuva nezuva. Rimwe zuva murume wakati achitora, ndokunzi kobo nerovambira. Murume akawira mubwasvisvi bwedziva raiva mujinga megomo ndokufiramo. Mukadzi wakamirira kuti murume uchawuya, asi hapana wakadzoka. Aive agarira guyo sembwa. Mwedzi mipfumbamwe yakwana, mukadzi akapona vanakomana vana. Wokutanga akamutumidza kuti Mufemberi, wechipiri Mapindire, wechitatu Maunganidze, wechina Mamutse.

Vana vakura, vakati kune dangwe: “Mafembera, chifembera zve utiratidze kwakaenda baba.” Iye ndokutungamirira ndokuvaratidza, akati, “Vakomana, baba vakarumirwa pano nerovambira, vakawira mudziva napapa.” Vakati kunowepiri, “Chipindira baba.” Mapindire ndokupindira ndokubudisa marangwanda ose. Vakati kuna Maunganidze, “Chiunganidza mapfupa ababa.” Mukomana uyu wetatu ndokuwaunganidza ose, rimwe nerimwe panzvimbo yaro. Ndokuti kunowechina, “Chimutsa baba.” Mamutse ndokuti, “Baba, chimukai! Makavatirei, tauya kuzokutorai?” Baba ndokumuka.

Baba nevana zvakadungamidzana zvoenda kumuzinda. Ndipo paperera sarungano.

Comments

Post a Comment