NGANO : Tsuro Magen’a Nengwena


Makare kare pasi pachakarohwa nenyundo, miti nemakomo zvichafamba nokumahanya, tsuro magen’a kedu kokungwarisa kaitonga madiro.
Rimwe zuva tsuro yakafunga kuyambuka rwizi kunoona musikana wayo aigara kumhiri kworwizi Kashambi. Ichisvika parwizi yakanona maiwe, rwizi rwakadira seri neseri. Ikati, “Zvino ndichaita zano ripi kuti ndiyambuke?” Ichipishikana kudaro irikumahombekombe yakaona garwe pazambuko. Ipapo yakati, “Kwaziwa Ngwena.” Zvabvunzana mufaro, tsuro ikati, “Musikamhuka akatida isu vanatsuro kupfuura zvipuka zvose, mukati imi vanangwena, muri vazhinji sesu here?” Ngwena ikati, “Isu tiri vazhinji kupfuuura imi vanatsuro kwazo.”

Garwe nokuda kutaridza kuti dzinza rake ndiro rakasarudzwa uye rakwanda, rakati kutsuro, “Enda unodana hama dzako kuti tione kana muri vazhinji.” Tsuro ikapindura ikati, “Hamuoni here kuti ini ndiri pano pamusha penyu? Saka imi munofanira kutanga kudana hama dzenyu kuti ndigokuverengai, ndiwone kana imi muri vazhinji kupfuura isu.”

Garwe rakakokorodza hama dzaro, dzikafamba dziva rose. Asi tsuro yakati, “Kana muchingofamba-famba handingagoni kukuverengai zvakanaka, itai mudungwe, ndigofamba pamusoro penyu ndichiverenga.” Zvino, ngwena dzakaita mudungwe pazambuko, tsuro ikafamba pamusoro padzo, ichiti, “Motsiro, dhendere, usagara, mumvura, piringisha, pamuro, pegarwe, …” kusvikira yava mhiri.

Payakangoti yambu, kuyambukira mhiri, yakaumburuka nokuseka zvikuru ichiti yanga isingazivi kuti makarwe ainge akawanda nokupusa zvakadai. Ndipo paperera sarungano.

Comments

Post a Comment