NGANO : Shezhu ne Nyuchi


Kare-kare pasi pachakarohwa nenyundo, mazizi achinenyanga, munyika yaMusikashiri, zitateguru reshiri maiva neshiri yainzi shezhu yaiva hombarume yemandiriri. Shezhu uyu nditateguru weshezhu dzatinoziva tose dzinodanidzira vanhu nyuchi, uye zvimwe zinenge nyoka nemhuka, kana vachivhima. Vamwe vanhu vanoti tsenzi.
Rimwe zuva shezhu yakamuka mashambanzou ichinovhima, ndokuuraya nhoro yayo. Yakasiya yamboisosa namashizha. Yakarova bembera ndokuimba manhanga kutapira ichinodaidza hama dzayo kuti vaite chionera pamwe chuma chomuzukura, kuvhiya.

Ichidzokako yakawana riri bishi nemhere mhere, mhuka yovhiyiwa nenyuchi. Ipapo shezhu yakabvunza ichiti, “Wavhiyirei nhoro yangu?” Nyuchi ikapindura ikati, “Ndeyangu!” Zvakaitirana nharo kudzikana zvoda kunzwana masimba. Zvino dzimwe nyuchi dzakati, “Handei kunashe katonge mhosva iyi.” “Handei !” Shezhu yakabvuma. Ndokuita mudungwe zvakanga kudare rashe.

Zichisvika panashe iye wakabvunza, achiti, “Iwe shezhu, unoti mhuka ndeyako, waifura nomutowo upi?” Shezhu ikati, “Ndaiti, shezhu! kushezhura makanda.” Ishe akati kunyuchi, “Ko iwe, waifura nomutowo upi?” Nyuchi ikati, “Ndaiti, pfure ! kupfurira mwoyo.” Ishe akambiti n’inin’ini nemachinda ake ndokuzoti, “Mhuka ndeyanyuchi. Nokuti iwe, shezhu, wangoshezhura makanda kwoga, asi nyuchi wakati pfure, kupfurira mwoyo.”

Kubva zuva irero ukama hwazvo hwakava hweguyo nehuyo, zvovengana semare. Saka nhasi shezhu kana ikaona nyuchi inodanidzira, ichiti, “Chere-chere-chere! Muvengi wangu wakanditorera mhuka yangu. Huyai mumore uchi.” Nyuchi yakapamba chomupfumi nokureba. Ndipo paperera sarungano.

Comments

Post a Comment