NGANO : Rutaya RweMoto neMvura


Makare kare pasi pachakarohwa nenyundo, mudunhu raChikuyo Chisamarengu, kwaiva naMoto nasahwira wake Mvura.

Rimwe zuva mukadzi wakagadza hari yemvura pamoto, mubukuro. Moto nemvura ndokutanga kutaurirana. Moto akati, “Kwaziwai shamwari! Unovingei pano? Nhasi ndichakupisa kusvika wasvatika semhashu inodzingwa nehuku.” Mvura ndokuti, “Hon’o, iwe unonditambudza nokuti ndiri mubatsiri womunhu.” Moto ukati, “Manyawi ako! Ndino mubetsera kupfuura iwe.

Ndinodziyisa muviri wake nokubika zvokudya zvake. Haangararami kana ini ndisipo.” Mvura ikati, “Bva ndinomubetsera kupfuurisa. Ndinonatsa muviri wake, ndinosuka nguwo dzake nokupedza nyota yake. Nzizi dzangu dzinomufadza, dzinonwisa zvipfuwo zvake nokumupa hove. Ndinobuda mumatsime nemifuku kuti ndinza rake rizadze zvirongo. Uyewo ndinomeresa nokukudza zviyo muminda yake. Asi iwe kana ukatsamwa unopenga kwazvo. Unoparadza zvose navanhu.” Moto wakambonyarara uchizeya ndokuzopindura ukati, “Hon’o, bva nyangwe iwewo, unomuparadza!” Mvura ikati, “Ndingagomuparadza sei?” Moto ndokuti, “Mauri muzere uturu kwazvo. Kana ukada ungamuparadza nehosha zhinji dzinobva mauri, nyangwe kumukukura munzizi, nomumafashamu.”

Zichataura, mai vaya vakapinda. Vakatora mvura yanga yovira vakagadzika hari padivi. Baba vachibva kumunda vakatsvaka mvura yokunwa, mai ndokuvapa mvura yakaviriswa. vachingopezwa kunwa vakadedzwa nemwana, vachibuda vakaona jacha richibvira moto. Vakamhanya kudzimura nemvura. Vana vakazoshevedza kudziya moto mubikiro.

“Vana vomuzukuru wangu, chingoma chinorira chichiti pangu pangu, uye chidembo hachinzwi kunhuhwa kwacho.” Ndipo paperera sarungano.

Comments