NGANO : Nzou Nekamba


Makare kare pasi pachakarohwa nenyundo, madhongi achinenyanga, vanhu vachinemiswe, mhuka nezvipuka zvainge zvakati fararira mumasango. Kamba yaive mhare yadzo dzese.
Mumwe musi nzou yakasvika parwizi ndokunanga kudziva ichida kutiva. Ikanzwa chikamba chomurwizi chichiti, “Nzou we! Nzou we!” Iyo ikati, “Hwe!” Chikamba chikati, “Kana tikaita nhangemutange ndinga kukurira.” Nzou ikati, “Handei!” Kamba ndokupindura, ikati, “Asi nhasi, aiwa bodo kwete tsvo. Ndichambo mhanyira vatete vashodoka gumbo, asi kuswera mangwana tisangane pano.”

Chifume, kamba yakafanokoka shamwari dzayo dzose. Ikadzimisa pamhenderekedzo yorwizi, ichiti, apa mumwe, apa mumwe. Yapedza ndokudzokera kunomirira nzou kumavambo. Zuva rokumhanya richizosvika, iya nzou parwizi vhu. Ikati, “Handei kamba.” Kamba ikati, “Handei hedu, tione anotanga kusvika padziwa ramvuvu.” Kamba ndiye akatanga kusimuka. Ati nyengu mutsanga akati svoverere ndiye murwizi nya.

Nzou ndokutevera ikamhanya ikazvirega, ichingopwanya miti namazikumbo ayo anenge maturi. Yakambomira, ikati, “Kamba we! Uripi?” Chimwe chikamba chainge chakamisiwa chikapindura mberi, chichiti, “Ndiri kuno.” Ndokuti dzikiti murwizi. Nzou ikamhanya zvekare ikamira, ikati, “Kamba-we!” Chimwe chikamba chikapindura chiri mberi, chichiti, “Ndiri kuno!”

Zvakaramba zvichidaro kusvika yasvika kudziva remvuu. Ichisvika yakawana imwe kamba iripo yakarara manhede yakamirira. Yakafemera mudumbu ikati, “Haiwa, ini nzou ndakurirwa nechipuka ichi.” Ndokudzokera kumusha ichingovhuna miti noruvoko rwayo, yafa neshungu. Uku ndiko kusvora mbodza neinozvimbira. Ndipo paperera sarungano.

Comments

Post a Comment