NGANO : Nguruve Dahwa Nomudhende


Makare kare pasi pachakarohwa nenyundo, makomo nemiti zvichafamba, zuva nemwedzi zvichibuda kumavirazuva zvichinyura kumabvazuva, paiva neshamwari nhatu. Nguruve, dahwa nomudhende zvaiwirirana kwazvo, zvaitsikirana tsoka.
Rimwe zuva nguruve nedabwa nomudende zvakamuka runyanhiriri kukafamba rwendo rwokunyika iri kure kure, kumazivandadzoka. Zvese zvakaita fungiramumoyo rwendo rwembwa. Mudhende akafunga kuti dahwa diye mukura saka akatakura mbuva, dahwa ndokutiwo nechomumoyo nguruve ndiye muhombe saka nhava yake inemutakura, mutetenerwa, mbwirembwire, dende remukaka neguchu remvura. Apawo nguruve yakati kwedu vadiki ndivo vanosenga. Zvakadaro hazvinakutora mbuva.

Zvakafamba zvikuru, mambakwedza akapfuura, mukanganyama nemafuramushana zvikapfuurawo. Rudziyakamwe rwuchisvika nzara ikati yan’en’ena n’en’ena. Zhara yakaruma kwazvo, asi vadzimu havana kudambura mbereko, zuva rogara miti zvakasvika pamuuonde mukuru. Zvichitarira mumuti zvakaona mukoko wakaturikwa pamhanda.

Nguruve yakati, “Dahwa, kwirira uchi.” dahwa rakakwira, rikaedza rikamukoniwa. Rikati, “Mudhende ngaakwire, nokuti ndiye mukuru.” Mudhende akati, “Ini ndiri mudukwane, handingagoni kusimudza mukoko. Zvirinani iwe nguruve mukuru, ukwire, ugondosundidzira pano pasi.” Dzose ndokusundidzira nguruve kudzikana yasvika pamukoko. Ipapo yakapinza muromo wayo mumukoko, ikasundidzira nesimba rose. Nyuchi dzakaiti pamuromo nepaziso ndure. Yakazhamba ikatsedemuka, ikati pasi nyondo, mukoko uchitevera ukaiti kumagadziko bho. Muromo wayo wakabva wapamhama ndokutarira kumudenga.

Dahwa richiona muromo wenguruve, rakaseka kwazo, muromo waro ndokutsemuka kusvikira munzeve. Mudhende achiona kuti muromo wedahwa watsemuka nokuseka, wakaseka akadzivira muromo. Achiseka kudaro muromo wakatutuka ndokureba. Zvakazobvapo miromo yavamumunho, uye zvaremara. Vakuru vakati “Seka urema wafa.” Ndipo paperera sarungano.

Comments