NGANO : Muvhimi Negarwe


Makare kare munyika yeDzimbabwe mudunhu raMutapa kuNemamwa, kunerwizi rukuru, Mutirikwe, usavi hwainge husangaperi. Misha yehombarume yaionekwa nezvimukuyu, zvenhoro, mharapara, mhofu nenyati.
Mudunhu iri maiva nomumwe muvhimi mukuru wakanga ane dungwe rembwa. Aiva muvhimandoga. Rimwe zuva achienda kunovhima nembwa dzake akasvika parwizi, Mutirikwe maigara makarwe airuta. Akapinda mumvura kuti ayambukira mhiri, garwe rikati nhasi ndakuwana, rakamuruma rikamunyudza mumvura ari mupenyu. Upenyu imhindupindu muvhimi ainge avhimiwa.

Muvhimi senhorimbo youpenyu hwezvipuka haana kurwisa. Zvino ngwena yakati iri pasi pemvura, yakafunga kuti munhu afa ndokumukwevera mumwena wayo wakaita sebako. Yakandoisa munhu paiva navana vayo, ndokudzokera shure kunovhima.

Imbwa dzakatevera tenzi wadzo, ndokusvika mubako riya riri pamhenderekedzo. Dzikatanga kuuraya vana vengwena. Muvimi achiwona kuti vana vose vafa, akatanga kuchera kurutiwi rwaipisa kusvikira akabvovora. Iye nembwa dzake ndokububa ndokuenda kumusha. Wakanga anamavanga mashoma-shoma ibomha ropa. Asvika kumusha akaudza vanhu kuti ainge apona panyanga dzamushore, vadzimu vainge vasina kudambura mbereko. Vanhu vedunhu vakaziva kuti ngwena ichatevera nyama yayo ndokutanga kugadzirira.

Garwe rakati kushaiwa munhu waro muguru ndokumutevera kumusha kwake. Rakasangana nevanhu vazhinji, asi rakangoramba richiendarichitsvaga munhu uya waranga ramboruma. Rakaramba richironda muvhimi kusvikira rava pamukova pake ndokumirapo. Vanhu vazhinji vakashamiswa vachiritarira.

Vanhu venharaunda vakauya namapfumo, tsvimbo, matanda nezvimwe zvombo zvakasiyana siyana Vakabva variuraya. Ndipo paperera sarungano.

Comments