NGANO : Muvhimi Nebwe


Makare-kare pasi pachakarohwa nenyundo, mazizi achinenyanga, kumakomo eNharira Kwakanga kunomumwe muvimi wainzi Chimbira.
Rimwe zuva murume uyu wakakwira mugomo reChivero ari oga, achivhima mbira. Avamo wakaona nyuchi dzakanga dzichipinda mubako. Wakati achida kubura uchi, nyuchi dzikamuruma zvikuru. Aingoti, “Shu!” ombotiza, odzoka zvekare. Akati, “Mazinyuchi omugomo muno anopenga, anenge asina uchi.” Vasamatunhu wakanzwa izvozvi, ndokuti kumidzimu yedunhu irero, “Mwana wani uyu akatsveruka anotuka nokundisvora.? Nyuchi ngadzisise.”

Wakati akunda kubura nyuchi dziya, wakawana vuchi vuzhinji, bwumwe ndokudya zvake. Zuva rakati kudevuka wakagadzirira kudzokera kumuzinda kwake. Achidzira gomo wakabata pamwe paiva negwangwadza ramabwe maviri akadurikidzana. Achangobata paya, mabwe awa akaswederana ndokumanikwa mimwe miviri. Wakakweva ruoko nesimba rose, ndokukonewa kubvisa. Akaidza nemitowo yose, zvikakona n’anga murapwa achida.

Zvino zuva roda kuvira, wakafunga zano rokuti handingavati muno ndikapona. Ipapo wakatora banga rake mumuhara waro, ndokugura minwe miviri yakanga yamanikwa. Achangopedza kugura, mabwe aya maviri akaparadzana sekare. Akamhanya achidzika. Ava mujinga mahweke nezishato rakavhara nzira. Achiti adzokere shure wanei kune rovambira rakamira nomuswe. Akazviona ava parumana nzombe, panyanga dzamushore chaipo. Ndokuzoyeuka bako mvura yagasa. Akakumbira ruregerero kuvaridzi venzvimbo, pakarepo yoka dzakanyangarika.

Kubva zuva irero munhu uyu haana kuzoreva mashoko okumhura chipi nechipi chaakasangana nacho. Mai musuva usingasehwi mumuto. Ndipo paperera sarungano.

Comments