NGANO : Muvhimi Mubako


Makare kare pasi pachakarohwa nenyundo, madzitateguru edu achatsika panerino pasi, achirima nenzou nokuvhima neshumba, pasi raiyera. Waikumbira aipiwa aituka nokushora ainyangarika.

Mudunhu ramambo Makuvatsine, masango ainge akati fararira nemhuka, dzinodyiwa nedzinorura. Rimwe zuva vakomana vakandovhima mugomo reRushumbe. Imbwa dzakamusta mbira, idzo dzakatizira mubako zvirizvese nakatsande. Madyo, kemakaro kakateverawo ndokupindawo. Achipinda akashamiswa kushaya kana mbira imwe zvayo, ndokuona gubwe rainge risingatizi kana kuhukurwa nembwa iye ndokuriuraya. Mubako iroro maiva nebwiro bweimwe harabwa.

Mukomana akaremberedza tsuro yake achinyemwerera achifunga matenderwo aaizoita naamai, chaitemura chiye nhasi chosevewo. Akati chiregai ndibude bako rakaiti unoindepo. Mufaro wakapinduka ukava kusuwa misodzi ikati mokoto. Jaya rakachema ririmo, richikoniwa kubuda. Vamwe vakomana vakaidza kumubetsera, zvikakona n’anga murapwa achida. Vakadzokera kumusha kunodana vakuru. Vakuru vakauya vakaidza kumubatsira, zvikakona.

Mumwe mutana ndokuti, “Endai kuvene vebwiro, vazotaura nebwiro bwavo, zvimwe zvingainda nepamwe bwukaregedza mwana wedu.” Vaya vakauya nomumwe mukweguru akastanangura kuti mukoma uyu ainge adarika chiyerwa ndokuti, “Tipei nzombe yemombe chena, uye mbudzi, kuti mwana wenyu agobuda.” Ivo ndokuita zvavakarairwa.

Vakauraya mbudzi vakasasa ropa pabwiro vachidetemba kuvakare vavo. Ipapo mumwe wakadanidzira, achiti, “Chiregedza mwana, abude!” Bako rikazaruka, kamwe Madyo akabuda akakotama asina gubwe riya.

Varidzi vemakuva vakatora nombe yavo, asi mbudzi yakadyiwa ikaperera mugomo. Zvakakosha kuremekedza nzvimbo dzinoyera nezviyerwa zvedu.

Comments