NGANO : Mutongi Gava Maenzanise


Kare-kare pasi pachakarohwa nenyundo, madongi achinenyanga, munyika yaMusikamhuka, zitateguru remhuka pakaita pongozozo. Veduwe-e tsisti dzinotsitsirira, munhu akachiona chitsvu akayeuka bako mvura yagasa. Akapepuka ava mungwavaira tateguru renhamo.
Ingwe ichivhima zvayo semazuva ose yakaerekana yapinda muchizarira. Yakaedza mazano ose nemitowo yose kuti ibude naparuzhowa, zvikakona n’anga murapwa achida. Yakafa neshungu kwazvo, ikaumburuka nokunjeesa meno. Zvino mumwe murume wakanga aine tiye nyoro zvikuru, wakapfuura napo. Ingwe ndokumudana, ichiti, “Nhaiwe munhu, shamwari yangu munhu, memwe wangu wemoyo munyoro, dondizarurira pano ndibude.” Iye ndokupindurai nounyoro, achiti, “Kwete kwete shamwari, ndikakuvhurira kana wabuda uchandiruma, kundiuraya nokundidya.” Ikati, “Aiwa, kwete, bodo, tsvo! Ndingagouraya wandiraramisa here? Kuuraya mununuri, wakarurama sebota rinoraramisa rusvava. Asi kana muchinditendera ndingazova muranda wenyu vupenyu hwangu hwose, ndichitenda unyoro hwenyu.” Murume akadzungudza musoro.

ingwe muchizariraIpapo ingwe yakaridza mapika nokupfikaira nokuchema misodzi, kusvikira yanzwirwa tsitsi. Akaizarurira, kamwe yabuda ichimwenuka, ichiti, “Hekaniwaro! Zvino ndingarega kukudya here? Ndava nemazuva mazhinji ndakazarirwa, handisina simba rokuvhima, nzara yava kundi n’en’ena n’ena zvikuru. Ndinofanira kukudya.” Munhu akanyengetera kuti irege kumuruma asi kukumbira kwake kwakashaya basa. Akazoti, “Nditendere kuti ndimbobvunza vamwe ndinzwe kuti vanotii pamusoro peshoko iri. Ndichakumbira pavatatu vokutanga vatinosangana navo kuti vatonge mhaka iyi.” Ingwe ikatenda ichiti, “Bvunza zvako vatatu vokutanga vaunoona, asi ziva kuti uri nyama iwe, unofanira kudyiwa.” Vaviri vakafamba chinyararire nesango vachitsvaga vatongi.

Munhu akatanga kubvunza muti womushuku kuti zvakanaka here kuti ingwe imuuraye iye mununuri wayo. Muzhanje ndokuti,”Munonyunyutirei? Chero ini ndinovigira vanhu vana vangu, uye mumumvuri mangu munogara vanopfuura kana vaneta nokufamba muzuva. Asi hakuna anonditenda. Munongonditema namabwe muchikuvadza gumbo rangu, muchindizunza-zunza. Saka iwe usazeza, tsunga hako.” Munhu akafa neshungu ndokuenderera mberi zvake. Akaona mhou yemombe inosisungwa pabadza nedzimwe mombe, ndokubvunza zvekare. Mhou yakati nechomumoyo, nhasi zvaiwana ngwarati ndokusheedzera ichiti, “Usaita sedatanana uchitsvaka kuvongwa nezvakarurama panyika. Hapana nyaya apa. Ona ini, munondikama mukaka wangu kuzadza hamiro nehamiro muchipedzera mhuru yangu. Pedzezvo kana ndarumura munondisunga pabadza pamwechete nenzombe. Rudzi rwangu rwapera kudyiwa nemi vanhu, nhasi njana nderako, uchagotyei kunhuna iwe wakasasikwa.

Murume akaita seachaputika neshungu, akazviona kuti ainge azvigokera moto muziso. Kuzvipinza panyanga dzanyanga dzamupere nemoyochena wake. Akati e-e regai zvangu ndibvunze nzira. Iyo ndokuti, “Shamwari, usatarira kuti uchaitirwa zvakanaka pano panyika. Unoita sefuza sei. Ini ndinobatsira, kunyangwe zvakadaro vose, vafumi navarombo, vakuru navaduku, vanongonditsika vachindirasira mateko emichero oga namasvisvinwa epwa. Hapana anehanya neni. Dyiwa zvipere, midzimi namusikavanhu vakakumirira kunyikadzimu.”

gavaMunhu akadzokera achisuwa zvikuru, pake painge pamuperera. Panzira, vaviri vakasangana negava. Rikavachingamidza richiti, “Makadii hama dzangu. Ko munhu unonzweiko? Asi warwara?” Murume uye ndokuritaurira zvose zvainge zvaitika. Munhu akati apedza kudenengura nyaya yake, gava rikati, “A, izvi zvinokangaidza kwazo! Chipamhai muchidudzira, nokuti zvose handichazvinzwisisi izvi.” Murume ndokupamhidza zvekare. Gava rakadzungudza musoro, rikafeya upenzi bwokusanzwisisa rikati, “Hazvinzwikwi! Nyaya yenyu inonzwisa musoro iyi, zvirinani tiende payapazvakaitikira. Zvimwe tiripo ndingagona kuzviona nokunzwa, ndigoziva kutonga mhaka iyi.” Murume, ingwe negava ndokutekaidzana

zvakananga kuchizarira. Ingwe yaiti fambe fambe yorodza meno nenzara dzayo, ichigadzirira chirairo chainge chawira mutswanda. Vasvika, yakavomba nehasha, ikati, “Nguva yafamba kurimudza kutsangura nyaya titange hedu kusvusvura.” Munhu akadavidza nokuhuta, achiti, “Ndipei kanguva, tenzi, kokududzira mashoko iya kunagava.” Munhu ndokupamhidza achirondedzera nyaya yose. Gava rakataridza kuoma musoro sechigogodza rikati, “Yowe, musoro wangu! Unenge wakaoma. Regai ndione, ” Wait iwe munhu, ndiwe wanga uri muchizarira, ingwe ndokupfuuura? …” Ingwe ikamudimbudzira ichiti, “Sva, gava, uri benzi iwe, dununu chairo. Inzwai. Ini ndanga ndiri muchizarira.” Gava ndokunyepera kungwenda nokutya, richiti, “Hon’o, heya, zvino ndanzwa. Ndini ndaiva muchizarira … Kweteba! Maiwe, maiwe! Murangariro wangu waita sei! Nokuti ndanga ndisipo. Regai ndichiidzazve. Ingwe yaiva mumunhu, chizarira chichipfuvura nenzira … bodo, ndatadzazve. Asi chiregai henyu, kurinani kuti uchitanga kudya hako nokuti handichatongoinzwisisi nyaya yenyu iyi.

Ingwe yakatsamwiswa zvikuru noupenzi hwegava, ikati, “Urichikwinya iwe, tarira pano! Chinzwai. Ini ndichakurondedzera kwazvo ndomene. Ona, ini, ndiri ingwe!” Yakadzro ichizvibata. Gava rikati, “Ishe” Ingwe ndokupfuura ichiti, “Uyu, ndimunhu!” ichibata murume uye. Gava ndokudavira richiti, “Mambo wangu.” Ingwe ndokuti, “Ichi chizarira.” Gava ndokugutsurira musoro richiti, “Ishe wangu.” Ingwe ikasimbisa mashoko ayo ikati, “Uye iye ini, ndanga ndiri muchizarira ichi. Wazvinzwa?” Gava ndokuti, “Handizinwi kwazo. Mundiitirewo moyo murefu, ishe.” Ingwe ikati, “Gava, zvousinganzwisisi ndezvipiko?” Iro rikati, “Asi mambo, mainge mambochipinda sei chizarira ichi?” Ingwe yainge yaneta nokudonhedza rute uyezve nokutsanangudza ndokupindura noukasha, “Kupinda! Ndakaita sezvatinosiita nguva dzose-dzose!” Gava rikati richihuta, “Nhasi zvangu! Ndotanga kunzwe dzungu ndichigomerwa namashoko makobvu akadai. Musanditsamwira henyu, mambo. Donditaurira kuti mutowo womunosipinda nawo ndoupi?” Zvino ingwe yakaneta, ndokukwakukira muchizarira, ichiti, “O, ndichidaika! Wazvinzwa zvino here?” Gava ndokukasira, kamwe ndokuipfigiramo, rikangomwekurira richiti, “Ndazvinzwa kwazvo! Ndizvo hazvo. Ko iwe munhu wanga uripapi?” “Ndaifamba zvangu nenzira ndichienda kwandaienda”, murume akapindura. Gava ndokuti, “Mhanya kunzira usandipedzere nguva. Zvino ngatichisiyai zvose zvakadaro sepakare. Mumwe nomumwe achiita zvaaita.” Ndokubva zvaro rapfuurirawo richienda kwaraienda.

Ingwe yakapaumba ikazvirega, zvikashaya basa. Veduwe-e gone ana gone wakewo. Mutongi gava ndimaenzanise, akasiya yatwasanuka nyaya nokutambira chokwadi. Ndipo paperera sarungano.

Comments