NGANO : Mangoye, Jongwe Nembeva


Makarekare, pasichigare, pasi pachakarohwa nenyundo, madhongi achinenya, zvipuka zvose zvaitaura sevanhu. Magoye nejongwe nokuda moto nokudya zvigere zvakabva musango zvikagara nevanhu.

Mumwe musi mbeva yakayerekana yati pfacha nepamusha pevanhu. Ichisvika mumusha yakaona chimangoye chivete paruvanze. Mbeva yakafara nokuyevedzwa kwazo ichiona unyoro bwemangoye pachiso. Yakati regai ndiyende kwairi kundoona mambava ayo akanaka nomuswe unepfunha.

Chimbeva chakati choda kusvika pedyo nemangoye chakaita mahweke nejongwe. Zvino jongwe riya nguva yaro yokukukuridza yanga yasvika, rakaridza mapapiro aro, richiti, “Gu-gu-gu-gu! Kukurigo rigo-o!” Chimbeva chikati maiwe ndigadyiwe, gumbo nditakure. Chakasvika ndokuudza mai vacho chizere mafemo, chichiti, “Mamboonei mai! Nhasi ndaona rinwe zinhu rinotyisa, rine jochororo rakatsvuka somoto pamusoro, uyezve rimwe pasi. Ndanga ndichida kunoona imwe shamwari inepfunha, ndokubva ndotya zinhu irero.”

Mai vechimbeva vakati, “Baba vangu Zimbeva iwe, mwanangu-we! Nhasi wanga waparara, chinoda kufa chinovingira. Wapunyutswa mumuromo weshumba. Hauzivi kuti wanga uchida kuinda pakatsi, chikara chinorarama nembeva, uchitotiza jongwe risingadyi mbeva?” Ipapo chimbeva chakahuta chichiti, “A, nhasi ndabudamo!”

Kubva zuva iri chimbeva hachina kuzogura futi pamisha yevanhu, uye changa chavakuziva kuti nomumisha munezvikara. Ndizvo vakuru vakati, “Gonzo mhini gara mumhango chomudzimu chukuwaniremo.” Ndipo paperera sarungano.

Comments

Post a Comment