NGANO : Gwenhure Nechidamukotokoto


Makare kare munyika yaMusikashiri, zitateguru reshiri dzose, shiri dzainge dziri mavhu nemarara. Dzaiti dzikabhuruka denga raiti zvi-i nadzo. Pashiri idzi makwenure akapiwa basa rokutarisa zvikara nokuudza dzimwe. Nhanhasi achine basa rounharirire.

Hakuna vanhu vasingazivi shiri idzi, asi zvimwe vanogara kumapani asina mvura. Dzinonyanya kugara kune michero. Shavhi, mavonde, nhunguru, ndizvo zvokudya zvamakwenhure. Pakasimwa michero hazvimbobvipo. Nyangwe zvipembenenewo zvinovengwa zvikuru nezvikwenhure. Munguva yeZhizha zvinoonekwa zvichidya magururumba. Apa ndipo pazvinofadza kwazvo. Zvinoti bhurururu kwi zvodzokera pamuti, bhurururu zve kwi, dzokere pamuti. Kunze kweshiri idzi nedzimwe tingapedzerwa minda yedu nezvipembenene. Kana nyoka ikabuda pachena dzinoisvoverera zvikuru.

Makare kare aya gwenhure nachidamukotokoto, zvaiva bhurugwe nebhande. Usahwira hwavo hwainwisa mvura. Mugore renzara dzakawana mushavhi wadzo dzikaswera dzirimo dzichidya dziri mbiri. Dzakadzika mutemo wokuti hapana aizonyeruka achienda kumushavhi, uye hapana aizoudza vamwe.

Rimwe zuva chidamukotokoto akawana gwenhure ainda oga, ndokutevera. Wanei muti wose wangoti pa! nezvikwenhure. Gwenhure rainge rakoka hama dzose ndokuenda nadzoko richisiya shamwari yaro. Chidamukotokoto chikati, “A-a! a-a!” somuririre wacho, zikwenhure zvichingokakavadzana zvichiti, “Ndeyangu, ndeyangu, ndeyangu.” Icho ndokukwira pamusoro pomuti chikati, “Unegodo unegodo! unegodo! unegodo!”

Mbeu yoruvengo yakadyarwa musi uyu, zvikave gonzo nachin’ai. Nanhasi zvikwenhure nezvidamukotokoto zvakarimirana kumuganhu. Ndipo paperera sarungano.

Comments

Post a Comment