NGANO : Gudo na Tsuro


Makare kare pasi pachakarahwa nenyundo, mamokomo nemiti zvichafamba nokumhanya, gudo nemuzukuro wake, tsuro vaiwirirana zvokuti. Zvainge mapatya.
Rimwe zuva gudo rakafumo bata jongwe muromo rakananga kumunda karo kunotema miti nokukuhuna makwenzi. Dzava nguva dzorudziyakamwe nzara yakatanga kuri n’en’ena n’en’ena. Tsuro yakasvikapo ineguchu romukaka pamafudzi ayo. Ikati, “Kwaziwai sekuru!” Gudo rikati, “Kwaziwa muzukuru. Ko chii chawatakura nhai muzukuru wangu?” Tsuro ikati, “Ndakatakura mukaka.” Sekuru gudo ndokuti, “Mukaka, mukaka wakakakei? Unodyiwa? Tsuro ikati, “Unonaka zvikuru.” Ndokupa gudo mukaka wenzwisa. Rikanzwa maiwee, chidokohori mushonga wemavende ndokuti, “Ndipamhidzirezve mumwe.” Tsuro ikaramba kuwedzera ichiti idakunanzva gapu rechembere rinodyiwa wakasungwa mbiradzakondo.

Zvino gudo rakafunga zano rokunyengera tsuro, nokuti rainge raudzwa nzira yayakanga ichienda nayo kwatezvara vake. Rikati, “Kana wabva pano, uchavona vamwe sekuru vako vanotema miti paseri pegomo.” Tsuro yakati yabva, rakamhanyira mberi neimwe nzira fupi kundofanokuhuna. Tsuro ichisvikapo yakafunga kuti nderimwe gudo. Gudo rikati zve, “Kwaziwa muzukuru ! Wakasengei nhai muzukuru wangu?” Tsuro ikati, “Ndakatakura mukaka wangu.” Gudo rikati zve, “Mukaka, mukaka wakakakei? Unodyiwa?” Tsuro ikati, “Unonaka zvikuru.” Ndokupa gudo mukaka wenzvisa, ndokuimba mananga kutapira rikati, “Ndipamhidzirezve mumwe.” Tsuro ikaramba kuwedzera ichiti idakunanzva gapu rechembere rinodyiwa wakasungwa mbiradzakondo.

gudoGudo rakapamha kudaro kusvikira mukaka wapera. Tsuro ikatanga kufunga kuti ndinonyengerwa; ikaisa mukaka pamahobi egudo richinwa. Zvino richienda mberi kundofana kugarira mberi, tsuro yakasvikapo. Ikati, “Kwaziwai sekuru!” Riya gudo rikati, “Kwaziwa muzukuru! Wakatakurei?” Tsuro ikati, “Ndakatakura mukaka wangu.” Gudo rikati, “Mukaka, mukaka wakakakei? Unodyiwa?” Tsuro ikati, “Ko ichi chii chiri pamahobi enyu vasekuru?”

Gudo rakaona kuti rabatwa ndokuseka zvaro richienda. Tsuro ikafa neshungu ikati, “Mangwana ndinhasi, tichaona kunowira tsimbo nedohwe.” Ndipo paperera sarungano.

Comments

  1. Kekutangawo 🐒 gudo achiwachisa 👯 tsuro

    ReplyDelete
  2. Thanks, was very interesting.

    ReplyDelete
  3. thank you made me finish my assesment activities CALA

    ReplyDelete
  4. Very interesting and educative

    ReplyDelete
  5. Thanks that was was interesting

    ReplyDelete
    Replies
    1. This was very interesting

      Delete
    2. You helped me because l was writing My CALA


      Delete
  6. Ndokumbirawo mundipewo imwe ngano pfupi paWhatsapp ndanetseka nenyaya yeCala

    ReplyDelete
  7. I am asking for another folktale

    ReplyDelete
  8. Thank you it was interesting tange takanganwa ngano iyi

    ReplyDelete
  9. Thank you lt maid me to complete my CALA
    Thanks so much🌞

    ReplyDelete
    Replies
    1. Thank u very much u helped me so so much

      Delete
  10. Thanx it helped me to complete my CALA

    ReplyDelete
  11. Thank it helped finish my CALA

    ReplyDelete
  12. It helped me with my cala thank you

    ReplyDelete
  13. Ndokumbirawo kupiwa ngano ine chekuita nezvenew curriculum

    ReplyDelete
  14. HELPED neCALA
    THANK YOU

    ReplyDelete
  15. Thanks 😊 you helped me finish my CALA

    ReplyDelete
  16. Thanks but I wanted zvidzidzo zvengano

    ReplyDelete
  17. Helped homework

    ReplyDelete
  18. Thanks 😊 CALA done

    ReplyDelete
  19. Thank u l have finished my cala

    ReplyDelete
  20. Thank you cala all done

    ReplyDelete
  21. Thank you I have finished my CALA💯

    ReplyDelete

Post a Comment