NGANO : Gora Nengwe


Kare-kare pasi pachakarohwa nenyundo, mazizi achinenyanga, munyika yaMusikamhuka, zitateguru remhuka kwakaita gombemukombera rakasanganidza gora nengwe. Mabvakure ainge ovauraisa nenhomba.
Ingwe yakavata usiku hwose ichivhima, ikadzokera pabako rayo zuva rabuda. Yakati, ndomborega kuvata, muviri unopinda chando. Ndombomirira mushana wemazambambira ndakati dzi pabako rangu. Ndozonorara zvangu nemadziyamusha.

Gare-gare gora ndokusvikapo, rikamhara padanda romuunze. Rakazuza manhenga aro ndokutarira kunangwe. Ingwe ikati, “Kwaziwai baba!” Iro rikati, “Kwaziwai!” Zvakambobvunzana mufaro. Gora rikati, “Haiwa, takatarira zvedu, asi nhamo yousavi ndiyo yatibaya nhandi.” Ingwe ikati, “Ndidzo nhamo dziri muno mumakomo. Kare taingoti fambe zvishoma, tosangana nemhuka, todya, tovata tichirira. Ndichangosvika pano ikozvino. goraNdangozvitambudza ndichifambira nhema, masango matema. Vanhu vatipedzera mhuka nembwa dzavo. Vazara nyika.” Vagora ndokupindurawo, vachiti, “Ko zvamunonditorera mashoko mumukanwa. Ndidzo njodzi dzandiuyisa kwamuri. Shamwari dzangu dzakandisiya dzichitevera vanashumba nabere kumapani kwakatizira mhuka. Ini ndangoti tika ndiri ndoga, ndichiti handidi kusiya masvinga amadziteteguru angu. Ndikati, ndouya kwamuri kuzogara nemi ndichin’un’una mapfupa omunosiya.” Ingwe ikati, “Garai henyu muno, baba, kuwanda huuya, chakaipa kupedzerana usavi, asi tichangofa tose nezhara.” Gora rakavonga, rikati: “Tafa tafa hedu, chero tisingafi tiri toga, chura hachirarame pasina mvura.”

Kubva zuva irero, zvikara ndokugara zviri zviviri, ingwe ichirumira gora nyama. Ukama hwazvo hukapfumba, hwakava hwemukombe nechirongo. Saka vakuru vakati “Kuda chinhu kureva, ukanyarara hauchiwani.” Ndipo paperera sarungano.

Comments