NGANO : Chisvo Chagondo


Makare kare munyika yaMusikashiri, zitateguru reshiri dzose, maiva nokunzwanana, kuremekedzana nokudanana zvikuru. Painge pasina rushambwa nousaruraganda. Gondo nehuku zvaive mukombe nechirongo.
Huku yakakandira mazai ayo. Gondo rikakandirawo ayo pedyo neehuku. Nguva yokuchochonya yasvika, masahwira akachochonya zvakanaka pamwechete achinzwana zvikuru.

Pashure gondo rakaona hukwana dzehuku dzinamanhenga, asi vana varo vasina. Rakapindwa nechinya rikati kuhuku, “Vana vako vanamanhenga, vangu vasina nei?” Huku yakati, “Handiziviwo, ndinongoti mugarire wedu.” Gondo rakatsamwa, rikati, “Vana vako vanodziyirwa asi vangu vanotonhorwa nechando. Saka ndinoda kuti uvevure vana vako vaite savangu.”

hukuGondo rakati kuinda, huku yakatsveta chisvo pasi, chikafusirwa nevhu. Mazuva mashoma akati kupera, gondo rakauya, rikati, “Shamwari, chindipa chisvo changu chiya.” Huku yakati, “Handizivi pandakachiisa.” Gondo rikati, “Manyepo machena awo, hazvitongobviri kuti chirasike. Kusada kuvevura vana vako chete. Kurumidza zvako kundipa.” Gondo rakaenda zvaro, asi rakayambira huku kuti akasamupa chisvo chake raizotanga kutora nokudya rudzi rwake.

Ipapo huku yakadaidza hama dzayo ndokutanga kutsvara pasi, dzichitsvaka chisvo chagondo. Pashure gondo rakatanga kubata huku nokudzidya. Nanhasi huku nagondo zvakarimirana kumuganhu. Huku dzose dzinotsvaka chisvo chegondo. Kana dzachiwana dzicharega kutsvara pasi, pamwewo gondo richarega kudzidya. Ndipo paperera sarungano.

Comments