NGANO : Bere Neburwa


Makare kare pasi pachakarohwa nenyundo, nzizi dzichayerera dzichikwira kumakomo, madhongi achinenyanga, munyika yamambo Bereburwa, mipurwa nemapere zvanga zviri gonzo nachin’ai. Madzinza azvo ainge asingaonani.

Rimwe zuva, munguva yeChando kwakatonhora zvokukwidza hamba mumuti. Bere raigara mubako, rakanzwa nechando rikabuda kuti rifurwe nemhepo richizambira mashana. Rakafamba zvaro richitevedza rwizi, Mushawi. Nenguva yamadziyamushana rakasvika padziva guru. Rikati, “Regai ndinodekare zvangu, mushana unyatsokupinda ndakarara mujecha.”

Baba vangu bere iwee, havana kuziva kuti pahwenje iyi paigara burwa. Mvura yaitonhorawo semare, burwa rikaona kazuva kaikwezva moyo, pakarepo rikati, “Regai ndibude mumuto wechando uyu, ndinofurwa nemhepo ndakati kwavava mumusheche.”

burwaBurwa akabuda ndokuzvambarara zvake. Akangoyerekana atorwa nechedu chikomana, ichi choguriga mambo padare. Zvino bere richisvikapo, rakaona burwa rivete nokudziyirwa nomushana. Rakaswedera chinyai, rikati nechomumoyo, “Nhasi zvangu, ndoriruma rivete here?” Ndodaidza hama dzangu tiriite kanyama kanyama here?” Rakapindwa nokutya rikati, bodo, aiwa, kwete, tsvo, tana, ngozi yebuka rinotyisa zvakadayi igandanzara. Zvisinei burwa rakabva ratiwo pepu.

Zvichitarirana zvakatyana zikuru. Bere rikafunga zano rokutyisa burwa. Neburwa ndokufungawo zano rokuvhundutsira naro bere. Zvose ndokuwana mazano azvo. Bere rikati kuburwa, “Ko iwe, ndiwe ani?” Ipapo bere rakati, “Ndini mapere perekanai, wafamba oga ngaatetenwe. Ko iwewo ndiwe ani?” Burwa ndokupindura, richiti, “Ndini mapurwa purwanai, ndaapura mapere mana nhasi, iwe ndiwe weshanu.”

Zvose ndokutizana. Bere rikati panda ndiye mudenhere pfocho, apawo burwa rakati bidiri bidiri ndiye chubu mumvura. Bere rakatya kupurwa, burwa rikatyawo kutetenwa. Kubva zuva irero bere neburwa zvakatanga kutyana. Ndipo paperera sarungano

Comments